Accessibility links

Breaking News

ZLHR Yoronga Kuendesa Mapurisa neKanzuru kuMatare neKutadza Kubvisa veMushika-Shika Muna Sam Nujoma


Rimwe gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaPaidamoyo Saurombe vanoti mapurisa kusvika parizvino haasati aita zvavakavimbisa kuita kubvisa vemushikashika vari kushandira pachiteshi chemabhazi chisiri pamutemo muHarare muna Sam Nujoma Street kumaAvenues.

VaSaurombe vati kana mapurisa akasatora matanho achirega vanhu vemushika shika ava vachiita madiro aJojina vachaendesa mapurisa kumatare edzimhosva.

Mukuru wemapurisa muHarare Senior Assistant Commissioner Isaac Tayengwa vakanyora tsamba kuZLHR vachiti mapurisa achabvisa vanhu ava vachishanda nekanzuru yeHarare vosunga vanhu vari kutyora mutemo. Meya weguta reHarare VaJacob Mafume vaudzaStudio 7 kuti vakagadzirira kushanda nemapurisa kubvisa vanhu ava.

Vati basa rekubvisa vanhu vanenge vachiita zvisiri pamutemo nderemapurisa ekanzuru asi vakaona kuti panogona kuita mhirizhonga vanodaidza mapurisa eZRP. Asi hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG