Dhora remunyika ratanga kushaya simba zvinotyisa zvapa kuti kana munhu aine madhora ekuAmerica chiuru chimwe chete anenge ave nemiriyoni imwe chete yemadhora emuZimbabwe.
Pamusika weRBZ nemusi weChipiri, dhora rimwe chete rekuAmerica range richitengwa nemari inodarika chiuru chimwe chete chemunyika kana kuti 1:1,000.
Pamusika wemukoto, dhora rekuAmerica range richitengeswa nemari inodarika chiuru chimwe chete nemazana masere kana kuti 1: 1800.
Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya vaudza bepanhau reSunday Mail kuti kudzikamisa dhora iri vachaparura imwe mari yepadandemutande inotsigirwa negoridhe kana kuti digital currency.
Vatizve vanofunga kuti mari ichabva mukutengeswa kwefodya ichadzikamisa mitengo yezvinhu.
Asi kuti izvi zvingashande here? Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti zvave kuitwa naVaMangudya kwave kutsvaga uta nemugate nekuti hapana chinobatsira. Vati hurumende yakamboparura mari yegoridhe kana kuti gold coins asi zvikaramba n’anga murapwa achida.
Facebook Forum