Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanoparura Chirongwa cheKuwanisa Vagari maTitle Deeds, Vanopikisa Vachiti Kutenga Mavhoti


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaparura chirongwa chekuwanisa vamwe vagari magwaro ekuve varidzi venzvimbo dzekuvakira dzimba zviri pamutemo, kana kuti title deeds, chePresidential Title Deeds Programme, apo vatambidza vagari mazana matatu nemakumi mashanu, 350, vemumusha weEpworth ma title deeds avo.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaMnangagwa vati hurongwa hwehurumende yavo hwepamusoro ndehwekuona kuti mwana weZimbabwe wese ane pake paanoti pamusha munyika.

Vati chirongwa chavaparura ichi change chisiri musangano webato ravo reZanu PF wekutsvaga rutsigiro kwete, asi kungoti hurumende iri kutungamira chirongwa ichi ndeye Zanu PF.

Dzimba dzapiwa ma title deeds dzinonzi dakanga dzavakwa zvisiri pamutemo.
Dzimba dzapiwa ma title deeds dzinonzi dakanga dzavakwa zvisiri pamutemo.

Dzimba dzekuEpworth idzi dzinonzi dzakanga dzavakwa zvisiri pamutemo, asi dzakazotambirwa nekanzuru yekumaruwa eEpworth pamwe nehurumende.

Chirongwa ichi chinonzi chicharamba chichienderera mberi pose panenge patambirwa hugaro hunenge hwamboitwa zviri kunze kwemutemo.

Mabiko aya aitirwa pachikoro che Epworth High uye anonzi paungana vanhu vakawanda.

Asi nhengo yebato rinopikisa reCitizens Colaition for Change uye vakambove meya, mutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, pamwe nekuve munyori anoona nezvekutongwa kwematunhu mubato, VaSesil Zvidzai, vanoti izvi ndizvo zvagara zvichikurudzirwa nebato ravo kuti zviitirwe kuvana veZimbabwe vese kusanganisira vari kumaruwa nemumapurazi akagariswa vanhu patsva.

Asi vanoti Zanu PF nehurumende vanozoshandisa mukana uyu kutenga mavhoti vachiti vanhu vanotanga vamanikidzwa kuti vave nemakadhi eZanu PF kuti vakwanise kuwaniswa magwaro aya.

VaZvidzai vanoti hurongwa hwaitwa kuEpworth uhu ndehwekungbata vanhu kumeso nekutsvagira bato reZanu PF naVaMnangagwa mavhoti munguva ino yesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vachamirira Zanu PF musarudzo dzeparamende mudunhu idzva reEpworth North, mudunhu VaAlex Gakanje, vanoti zvaitwa NaVaMnangagwa izvi zvakakosha zvikuru sezvo zvichiratidza kuti hurumende yavo ine hanya.

VaGakanje vanoti kana dai chirongwa ichi chakashandiswa kutsvagira Zanu PF mavhoti, hapana chakaipa sezvo chiri kubatsira veruzhinji, vavanoti vakagara kwemakore anodarika makumi maviri vari pasi pehutungamiri hwemapato anopikisa eMDC neCCC, vasina ma title deeds.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG