Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zviri Kurwisana muSudan Zvinotadza Kuisa Zvombo Pasi seZvanga Zvakawiranwa


Hutsi hunooneka muKhartoum, Sudan, pedyo nechipatara cheDoha International Hospital musi wa 21Kubvumbi, 2023.
Hutsi hunooneka muKhartoum, Sudan, pedyo nechipatara cheDoha International Hospital musi wa 21Kubvumbi, 2023.

Kurwisana pakati pezvikwata zvevakuru vemauto vaviri kunonzi kwaenderera mberi neChishanu muKhartoum, guta guru reSudan, pfuti dzichinzi dzanga dzichinzwikwa, kunyange hazvo panga paine kurudziro yekuti pave nerunyararo munguva yeEid al-Fitr.

Zuva iri rinonzi rakakosha zvikuru muchitendero chechi Muslim sezvo richicherechedza kusvika kumagumo kwemwedzi unokosha muchitendero chetendero che islam we Ramadan.

Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vanodarika mazana mana kana kuti 400 vanonzi vaurayiwa vamwe vanodarika zviuru zvitatu nemazana mashanu, 3, 500 vakakuvadzwa mukurwisana uku.

Mugwaro ravaburitswa neChishanu, mutungamiri wesangano rinopa rubatsiro reInternational Committee of the Red Cross, VaMirjana Spoljaric, vati vari kushushikana zvikuru nekutambura kuri kuita vanhuwo zvawo muKhartoum nedzimwe nzvimbo dzenyika.

Mukuru wemauto eSudanese Armed Forces, Gen. Abdel-Fattah Burhan.
Mukuru wemauto eSudanese Armed Forces, Gen. Abdel-Fattah Burhan.

Vati kutambura uku kwawedzerwa nechikonzero chekuti ICRC iri kukundikana kuendesa rubatsiro kuvanhu vanorwuda nekukasika sezvo zvikwata zviri kurwisana zvisati zvapa sangano ravo vimbiso yekuti rakachengetedzeka.

Sangano reIntergovernmental Athourity on Development (IGAD) rinonzi riri kutumira mutungamiri weKenya, VaWilliam Ruto, mutungamiri weSouth Sudan, vaSalvar Kiir, uye mutungamiri weDjibouti, VaIsmil Omar Guelleh, kuSudan kunoyedza kumisa hondo iri pakati pemauto ehurumende nechikwata che Rapid Support Forces.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology, Muzvinafundo Munyaradzi Ricky Mukonza, vanoti kurwisana uku kunokanganisa chimiro chedunhu reAfrica, uye vari kukurudzira sangano reAfrican Union kuti rionekwe richikasika kutora matanho munguva dzakadai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG