Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeParamende yeBritain, Lord Oates, Voda Kuziva Matanho Achatorwa neHurumende Yavo kuVanhu vemuNyika Iyi Vari Kufumurwa muGold Mafia


Dare reparamende yeBritain, reHouse of Lords
Dare reparamende yeBritain, reHouse of Lords

Imwe nhengo yedare reparamende yeBriatin, reHouse of Lords, Lord Jonathan Oates, vakaisa chikumbiro kuhurumende yavo kuti itaure kuti iri kuferefeta here makambani aVaUebert Angel, avo vane magwaro ekugara muBritain kana kuti citizenship.

Izvi zvinotevera kufumurwa kwakaitwa VaAngel nenhepfenyuro yeAl Jazeera vachinzi vaida kubatsira kuchenesa mari yakasviba kana kuti “money laundering” uye kuda kubatsira mukubiwa kwegoridhe muZimbabwe.

Al Jazeera inoti vose vari kuita zvehuwori uhu vanoti vari kushanda nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemhuri yavo, uye vanoshanda kuRBZ, CAAZ nevamwe vanochengetedza nhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport.

Pagoridhe chete, gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vakamboti nyika iri kurasikirwa nemari inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri zvemadhora ekuAmerica pagore kana kuti US$1,2 billion.

Vakawanda vari kupomerwa mhosva idzi vari kudziramba vachiti Al Jazeera yakanyangira yaona.

Lord Oates vanoti vari kuda kuti hurumende yavo itaure kuti ichatora matanho api kuferefeta makambani aVaAngel nezvimwe zvizvarwa zveBritain zviri kupomerwa mhosva dzekuchenesa mari dzakasviba, kana kuti “money laundering”.

Vanoti vanoda kuziva kuti Britain iri kutora matanho api kutevera mari idzi kana dziri munyika dzainodyidzana nadzo, vachiti vari kuda kuzivawo kuti VaAngel vachatorerwa matanho api zvikaonekwa kuti vakanyepa kuti vakwanise kugara muBritain.

Murwiri wekodzero dzevanhu vari nhengo yeCCC, VaMakomborore Haruzivishe, avo vakapawo huchapupu mudare reparamende muBritain vachiti muZimbabwe maberekera ingwe, vanoti danho reBritain rakanaka chose.

Izvi zvatsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda vakazvimiririra, Muzvare Chenai Mutambasere, avo vari kwakare kuBritain.

Vanoongorora nyaya dzezvehuwori nemagariro evanhu, VaReuben Tendai Mbofana, vanoti zvakakosha kuti Britain iferefete mhosva dziri kupomerwa VaAngel.

Asi gweta vakarerekera kubato reZANU PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti chikumbiro chaLord Oates hachina musoro nekuti zviri kutaurwa mufirimu reAl Jazeera zvingori zvipomerwa chete.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa, vakatozivisa vatori venhau kuti hurumende ichaferefetawo nyaya iyi.

Asi nhengo yeCCC, Muzvare Barbara Gwangwara ,vanoti hapana chakaipa kuti Britain iitewo ongororo yayo uye vakamirira kunzwa mhinduro dzemibvunzo yaLord Oates.

Zimbabwe yakaisa runyoro rwayo pazvibvumirano zvakawanda zvekurwisa nyaya dzehuwori zvinosanganisira cheUnited Nations Convention Against Corruption neUnited Nations Convention Against Organized Crime.

Mubatanidzwa wemapurisa epasi rose, weInterpol, unotarisirwawo kuferefeta nyaya iyi sezvo kucheneswa kwemari dzakasviba kuchinzi kunoisa nyika dzepasi rino munjodzi huru nekuda kwekuti dzimwe mari idzi dzinogona kuguma dzave mumaoko ematororo.

RBZ yakatotora danho rekuti VaAngel nevamwe vatanhatu vasabvumidzwe kushandisa midziyo yavo nemari dziri mumabhanga kusvika nyaya yavo yapedzwa kuferefetwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG