Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeTriple C neMDC-T Dzinobatana neZvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe paKuratidzira paMuzinda weZimbabwe muAmerica Vachishora Huwori


Nhengo dzeCCC nevamwe vaungana pamuzinda weZimbabwe muWashington D.C.
Nhengo dzeCCC nevamwe vaungana pamuzinda weZimbabwe muWashington D.C.

Nhengo dzebato reCitizens’ Coalition For Change mudunhu reNorth America, nhengo dzeMDC-T pamwe nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica vaungana neChishanu pamuzinda weZimbabwe muWashington D.C., vachiratidzira vachinyunyuta nehuwori hwavanoti huri kuitwa mukuburitswa kwegoridhe munyika uho hwakafumurwa neAl jazeera.

Kunyange hazvo hurumende kuburikidza negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, yakati ichatorera matanho vose vakafumurwa mumavhidhiyo aya, veruzhinji vari kukurudzira kuti nyaya iyi inyatsoongororwa nekuferefetwa zvakasimba.

Hatina kukwanisa kutaura nemumiriri weZimbabwe muAmerica, VaTadeous Chifamba pamusoro pekuratidzira uku sezvo muzinda weZimbabwe wanga wakavharwa.

Mumwe mutsigiri webato reTriple C, VaDavid Siampondo, vanove mumwe weavo vakaronga kuratidzira uku, vanoti havana kushamisika nekuwona muzinda weZimbabwe uri muAmerica wakavharwa nemusi weChishanu vachiti zvinoratidza kuti vashandi vepo havana han'ya nevana veZimbabwe vanenge vachida kubatsirwa.

"Nhasi harisi zuva rezororo asi tiri kuwona muzinda weZimbabwe wakavharwa. Kunesu vana veZimbabwe izvi zvinorwadza sezvo tange tiine hurongwa hwekusiya tsamba yedu yenyunyuto, asi tichasiyira dzimwe nhengo dzedu dzichazosvitsa nyunyuto iyi panovhurwa muzinda," Va Siampondo vaudza Studio 7.

Mamwe madzimai ange ari pakuratidzira uku anoti zvinorwadza kuti veruzhinji munyika vachiri kushungurudzwa pamusoro pemapato avanotsigira uye apo nyika yakatarisana nesarudzo vamwe vachiri kushungurudzwa nekutyorerwa kodzero dzavo, vakadayi saVaJob Sikhala.

"Ndiri kurwadziwa kuti VaJob Sikhala vachiri muchitirongu pari zvino uye kodzero dzavo dzichiri kutyorwa nekunyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba," Muzvare Flora Mukwekwerere vanove nhengo yeCCC vaudza Studio 7.

Muzvare Mukwekwerere vanoti zvakakosha kuti vematare vatonge nyaya yaVaSikhala vasingatarise kuti ndeve bato ripi.

Muzvare Florence Mhizha, mumwe weavo vange vari pakuratidzira uku vaudza Studio 7 kuti vasarudza kuratidzira pamuzinda weZimbabwe muWashington DC senzira yekuratidza kusafara kwavo pamusoro pekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika pamwe nehuwori huri kupomerwa vamwe vari muhurumende.

Vachitaurawo kuvanhu vaungana pachiitiko ichi, VaDen Moyo veMDC-T, vakurudzira kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasiye basa pamusoro pekudomwa kwavakaitwa muhuwori hwegoridhe huri kunzi "Gold Mafia."

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG