Accessibility links

Breaking News

Paramende muBritain Inoti Iri Kuda Kuziva Zviri Kuitwa neHurumende Kuferefeta VaUebert Angel


TURKEY-ECONOMY/GOLD
TURKEY-ECONOMY/GOLD

Nhengo yedare reparamende reHouse of Lords kuBritain, Lord Jonathan Oates vakaisa chikumbiro kuhurumende yavo kuti itaure kuti iri kuferefeta here makambani aVaUebert Angel nevamwe vane magwaro ekugara muBritain kana kuti citizenship.

Izvi zvinotevera kufumurwa kwaaitwa VaAngel nezvimwe zvizvarwa zveBritain nenhepfenyuro yeAl Jazeera vachinzi vaida kubatsira kuchenesa mari yakasviba kana kuti “money laundering” uye kuda kubatsira mukubiwa kwegoridhe muZimbabwe.

Al Jazeera inoti vose vari kuita zvehuwori uhu vanoti vari kushanda nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemhuyi yavo uye vanoshanda kuRBZ , CAAZ nevamwe vanochengetedza nhandare yeRobert Gabriel Mugabe International.

Pagoridhe chete, gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vakamboti nyika iri kurasikifrwa nemari inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri pagore kana kuti 1,2 billion. Vakawanda vari kupomerwa mhosva idzi vari kuramba vachiti Al Jazeera yakanyangira yaona.

Lord Oates vanoti vari kuda kuti hurumende yavo itauue kuti ichatora matanho api kuferefeta makambani aVaAngel nezvimwe zvizvarwa zveBritain zviri kupomerwa mhosva dzekuchensa mari dzakasviba kana kuti “money laundering”.

Vanoti vanoda kuziva kuti Britain iri kutora matanho api kutevera mari idzi kana dziri munyika dzainodyidzana nadzo. Vanoti vari kuda kuziva kuti VaAngel vachatorerwa matanho api zvikaonekwa kuti vakanyepa kuti vakwanise kugara muBritain.

Murwiri wekodzero dzevanhu vari nhengo yeCCC VaMakomborore Haruzivishe avo vakapawo huchapupu mudare reparamende muBritain vachiti muZimbabwe maberekera ingwe vanoti danho reBritain rakanaka chose sezvo nyika iri kurasikirwa nehupfumi hwakawanda.

Izvi zvatsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda vakazvimiririra, Muzvare Chenai Mutambasere vati vanhu vanofanira kuziva chokwadi.

Vanoongorora nyaya dzezvehuwori nemagariro evanhu, VaReuben Mbofana vanoti zvakakosha kuti Britain iferefete mhosva dziri kupomerwa VaAngel nekuti dzakakomba.

Asi gweta vakarerekera kubato re ZANU PF vari kuBritain , VaMasimba Mavaza vanoti chikumbiro cha Lord Oates hachina musoro nekuti zviri kutaurwa mu firimu re AlJazeera zvingori zvipomerwa chete.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakatozivisa vatori venhau kuti hurumende ichaferefetawo nyaya iyi.

Asi nhengo yeCCC Muzvare Barbara Gwangwara vanoti hapana chakaipa kuti Britain iitewo ongororo yayo uye vakamirira kunzwa mhinduro dzemibvunzo yaLord Oates.

Zimbabwe yakanyorerana zvibvumirano zvakawanda zvekurwisa nyaya dzehuwori zvinosanganisira zveUnited Nations Convention Against Corruption, United Nations Convention Against Organized Crime.

Mubatanidzwa wemapurisa epasi rose weInterpol unotarisirwawo kuferefeta nyaya iyi sezvo kucheneswa kwemari dzakasviba kunonzi kunoisa nyika dzepasi rino munjodzi huru nekuda kwekuti dzimwe mari idzi dzinogona kuguma dzave mumaoko evanopfurikidza mwero.

RBZ yakatotora danho rekuti VaAngel nevamwe vatanhatu vasabvumidzwe kushandisa midziyo yavo nemari dziri mumabhanga kusvika yaya yavo yapedzwa kuferefetwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG