Accessibility links

Breaking News

Ramadan Yakakosha Kuvatendi veChiIslam Yasvika Kumagumo


Kucherechedzwa kwemwedzi wakakakosha muchitendero chechiIslam weRamadan wasvika kumagumo vatenderi vakawanda vechiIslam muZimbabwe nepasi rese vachifara kuti vakakwanisa kutsanyanya, kubatsira vanotambura pamwe nekuswedera pedyo nemusiki.

Ramadan mwedzi wechipfumbamwe pakarenda remaMuslim uye pamwedzi uyu vatenderi vechiIslam vanotsanya, kunamata zvakasimba, kuregerera pamwe nekutarisira kuwana makomborero kubva kumusiki.

Mutungamiriri weIslamic Supreme Council of Zimbabwe, Sheik Ishmael Duwa, vaudza Studio 7 kuti vakwanisa kuita mabasa akawanda ekubatsira vanotambura pamwedzi wemutsanyo weRamadan nekuti vaive nesimba rakawanda.

Mumwe mutendi Sheik Majid Adini vanotsanangura kuti vakave nenguva yakanaka chose uye vanotarisira kuregererwa nemusiki.

Vanoenderera mberi vachiti mwedzi uyu wakakosha nekuti ndiwo mwedzi wakadzika mabhuku evatumwa vaAbraham, David nevamwe.

Mumwe mutendi, Sheik Malik Paul Matumbi, havana kuomerwa nekutsanya nekuti murairo wemusiki.

Vanoti kunyange hazvo ivo vasina kukwanisa kubatsira vanhu nezvinhu kana mari, vakwanisa kupa vanhu mashoko eruponeso.

Sheik Ishmael Duwa vanotiwo zvimwe zvavakaita panguva iyi kurwisana netsika yekunwa kana kushandisa zvinodhaka izvo zvakacherechedzwa nehurumende nekupinza sangano ravo mukomiti yayo yekurwisana nedambudziko iri.

Mwedzi weRamadan gore rino wakatanga musi was 22 Kurume uye wapera nhasi.

Bishopi vesvondo yeLife and Liberty muZimbabwe zvakare vari mutungamiriri weAfrica Chaplains Association, VaNoah Pashapa, vaudza Studio 7 kuti Ramadan mwedzi wakakosha kuvatenderi vechiIslam panyaya dzemweya nehutano.

Vaenderera mberi vachiti chitendero chechiIslam chitendero chakanaka chose kunyange hazvo paine vanopfurikidza mwero vari mumasangano akaita seIslamic State, Al Qaeda, Taliban neBoko Haram vanosvibisa chitendero ichi.

MuZimbabwe mune vanhu miriyoni nemazana maviri vechitendero chechiIslam pasi rose vachidarika bhiriyoni nezviuru mazana matanhatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG