Accessibility links

Breaking News

Hondo yemuSudan Yoenderera Mberi


Mauto ari kutungamiri hurumende yeSudan nevavari kurwisana navo veRapid Support Forces vakazivisa neChina kuti vatenderana kumbokanda zvombo pasi kwezuva rimwe chete.

Izvi zviri kuitirwa kuti vakakuvara nevasina zvekudya vawane rubatsiro kubva kumasangano akazvimirira oga.

Vari kurwisana ava vakamboyedza kuita izvi nezuro asi hazvina kubudirira sezvo kurwisana kunotyisa kwakaenderera mberi. NeChina pfuti dzinonzi dzaive dzichinzwikwa dzichirira pano neapo.

Mutauriri wemuzinda weWhite House muAmerica Muzvare Karine Jean-Pierre vakurudzira kuti vari kurwisana vose varemekedze chibvumirano chekumbomisa hondo.

Zvivakwa zvakaparadzwa muKhartoum, guta guru reSudan, April 20, 2023.
Zvivakwa zvakaparadzwa muKhartoum, guta guru reSudan, April 20, 2023.

Vanhu vanodarika mazana matatu vafa mukurwisana kwave nemazuva mashanu uku.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaItai Zimunya, vanoti zvakakosha kuti magungano emuAfrica akadayi seAfrican Union atumire nhumwa dzinonozeya nevari kurwisana muhondo iyi kuitira kuti mhirizhonga iyi ipera.

"Panguva yakadayi masangano akadayi seAfrican Union anofanirwa kunge achitumira zvinhu zvakadayi sechikafu nezvimwe kuitira kuti vabatsire vari kusangana nedambudziko mushure mehondo iri muSudan,"Va Zimunya vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG