Accessibility links

Breaking News

Dare Raramba Kubvisa Muzvare Mary Mubaiwa "paRemand" 


Myzvare Marry Mubaiwa
Myzvare Marry Mubaiwa

Mutongi wedare VaStanford Mambanje, varamba kuti Muzvare Mary Mubaiwa, avo vaimbove mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, vabviswe paremand vagozodzoswa kudare paachishandiswa masamanisi.

Izvi zvauya mushure mekunge muchuchisi wenyaya iyi akumbira dare nyaya ipfuudzirwe mberi zvakare izvo zvapikiswa negweta raMuzvare Mubaiwa, Amai Beatrice Mtetwa, avo vaudza dare kuti pave nemwedzi makumi mana Muzvare Mubaiwa vari pa remand.

Asi VaMambanje vawirirana nedivi revachuchisi rekuti nyaya yekuedza kuuraya VaChiwenga inyaya yakakomba uye inyaya inoda kunyatsoferefetwa isati yatongwa.

VaMambanje vati zvataurwa nevachuchisi zvekuti nyaya iyi ichiri kuferefetwa kuSouth Africa kwayakaitikira zvinokedzera kuti nyaya iyi ipfudzirwe mberi vachiti tsvagiridzo dzekunze kwenyika itsvakiridzo dzinotora nguva asi vati pachazodzoka nyaya iyi mudare musi waChivabvu 11 vachuchisi vanofanira kuzivisa dare zuva richatanga kutongwa nyaya iyi.

Muzvare Mubaiwa vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi. Asi Muzvare Mubaiwa vakabatwa nemhosva pamhosva imwe yavaipomerwa yekunzi vakanga vafojera mapepa emuchato wavo naVaChiwenga. Vakazowanikwawo vasina mhosva pane nyaya yavaipomerwa yekunzi vakarova musikana aishanda kumba kwavaigara naVaChiwenga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG