Accessibility links

Breaking News

Hurumende Youya Kudare Isina Kugadzirira Zvakakwana Kuchuchisa VaSikhala PaMhosva Itsva


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa imwe mhosva itsva zvakare pamusoro penhatu dzavagara vachipomerwa.

Mutori wedu wenhau Frank Chikowore anotiudza nyaya iyi nedzimwe dzanga dziri mudare ramejasitiriti muHarare.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaTafara Charimbira, vaudza dare kuti VaSikhaka vari kupomerwa mhosva yekuita zvisina maturo kana kuti disorderly conduct asi vati vanga vasina kugadzirira zvakakwana kuti nyaya iyi ienderere mberi nhasi.

Gweta raVaSikhala panyaya iyi, VaObey Shava, vatenda kuti nyaya iyi yanzi igodzoka kudare musi waChivabvu 9.

Mapepa ari pamberi pedare anoratidza kuti VaSikhala vakatyora chikamu 41(a) chemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act.

Mapepa aya anoti musi waChivabvu 2 gore rapera, VaSikhala naVaLovemore Maiko, avo vaimbova meya wedhorobha reChitungwiza, kana mumwe chete wavo, vakaita zvisina maturo pavanonzi vakatema nematombo vatsigiri veZanu-PF paZengeza 5 Open Grounds muChitungwiza pavaiita musangano. VaMaiko vanonzi vakakuvadza VaShepherd Tawodzera mumusoro.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vati VaSikhala vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika zvikurusei apo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rino.

Asi vanokokera nhengo dzeZanu PF mudare reparamende, VaPupurayi Togarepi, vanoti munhu anomira nemhosva dzake mumatare vachiti zviri kutaurwa neCCC izvi ndezvemugotsi matsuro.

VaSikhala, avo vave nemwedzi gumi vari mujeri, vari kupomerwawo zvakare mhosva yekupesvedzera veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati pakuratidzira kwakanga kwashevedzerwa nesangano reJuly 31st Movement rinotungamirwa naVaJacob Ngarivhume. Kuratidzira uku kwaifanira kuitwa musi waChikunguru 31 muna 2020 asi hakuna kuzobudirira zvichitevera kusungwa kwakitwa VaNgarivhume, VaSikhala nevamwe.

VaSikhala vari kupomerwawo zvakare mhosva yekunzi vakapesvedzera mhirizhonga kuNyatsime zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa nhengo yeCCC, Muzvare Moreblessing Ali, nevanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakatobvuma mhosva iyi mumatare.

Vari kupomerwawo zvakare imwe mhosva yekunzi vakavhiringidza mafambisirwo enyaya dzemumatare zvichitevera mashoko avanonzi vakataura mapurisa ari pakati pekuferefeta kupambwa kwaMuzvare Ali. Asi VaSikhala vari kuramba mhosva dzose dzavari kupomerwa idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG