Accessibility links

Breaking News

Botswana Yokurudzira Zimbabwe Kuita Sarudzo Dzisina Mhirizhonga


Mutungimiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi
Mutungimiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi

Apo Zimbabwe iri kupemberera makore makumi mana nematatu yawana kuzvitonga kuzere, Botswana iri kuikurudzira kuti iite sarudzo dzakachena uye dzisina mhirizhonga kuti vekunze vave nechivimbo chekutanga mabhizimisi avo munyika.

Kurudziro iyi yakaitwa nemunyori mukuru mubazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana, Amai Gladys Mokhawa pamabiko ekupemberera kuzvitonga kuzere akarongwa nemuzinda weZimbabwe muBotswana nezuro manheru.

Amai Mokhawa, avo vakakokwa semunyarikani, vakarumbidza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vachiti vatora matanho makuru mukugadzirisa hupfumi hwenyika uye magariro evanhu.

Naizvozvo, vakati Botswana ichaita zvese zvainogona mukuona kuti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende nemakambani avanodyidzana nawo zvabviswa.

Zimbabwe yakapemberera makore makumi mana nematatu yawana kuzvitonga kuzere nezuro.

Pachiitiko chekupemberera chakaitirwa kuMt Darwin. Mashonaland Central, VaMnangagwa vakapa yambiro kunyika dzekumavirira kuti dzirege kupindira munyaya dzemunyika.

Vakatiwo Zimbawe yakazvipira kuita sarudzo dzakachena. Mumiriri weZimbabwe muBotswana, VaBatiraishe Henry Mukonoweshuro vakatsidzawo kuti Zimbabwe yakazvipira kuita sarudzo dzakachena musarudzo iri kutarisirwa kuitwa munaChikumi kana Nyamavhuvhu wegore rino.

VaMukonoweshuro vakapa ruremekedzo kuzvizvarwa zveBotswana zvakabatsira varwiri vehondo yerusunguko nechikafu uye pekurara pavaipfuura nemunyika iyi vachienda kuZambia neTanzania panguva yehondo yerusununguko.

Kunyangwe hazvo chiri chinhu chinokosha kucherechedza zuva rekuzvitonga, mutauriri webato rinopikisa reCCC, Muzvare Fadzayi Mahere vati zvinonzwisa tsitsi kuti ruzhinji rwuri kunonga svosve nemuromo.

Vakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvinyorese kuvhota nehuwandu hwazvo kuitira kuti vanhu vakwanise kuona kukosha kwekuzvitonga kuzere.

Zimbabwe yakawana kuzvitonga musi wa18 Kubvumbi 1980 kubva kuBritain.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG