Accessibility links

Breaking News

Rimwe Sangano reMadzimai Rokurudzirwa Kusungwa kweVari Kunzi "Magold Mafia"


Sandra Matendere, Director, ZWACT
Sandra Matendere, Director, ZWACT

Sangano rinorwisa huwori, reZimbabwe Women Against Corruption Trust riri kukurudzira hurumende kuti iferefete vose vari kubuda muongororo yakaitwa neAl Jazeera vachiita zvehuwori mukutengeswa kwegoridhe uye kuchena mari dzakasviba kana kuti "money laundering"

Sangano iri rinotiwo Zimbabwe yakanyorerana zvibvumirano zvakawanda nedzimwe nyika nemamwe masangano makuru epasi rose akaita seUnited Nations Convention Against Corruption, United Nations Convention Aginst Organized Crime nzvimwe.

Asi ZWCT inoti mitemo yenyika haina kusimbaradzwa kuti vose vanenge vaita huwori vatorerwe matanho.

ZWCT inoti huwori uhu hunokanganisa zvikuru hupfumi hwenyika zvinozokanganisa madzimai nevana kunyanya sezvo vari ivi chikwata chakakura chinoguma choda kubatsirwa.

Mukuru wesangano iri, Muzvare Sandra Matendere, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe inofanira kuchengetedza chimiro chayo kuti ikwanise kukwezva vekunze kuti vauye kuzotanga mabasa nekudyidzana nayo.

Muzvare Matendere vanoti, “Sesangano reZimbabwe Women Against Corruption Trust, hatisi kufara pamusoro pezvakabudiswa nenhepfenyuro ye Al Jazeera naizvozvo tinokurudzira hurumende kuti iumbe komishini yakazvimirira kuti iongorore zvakadzama nyaya iyi uye nekuona kuti vose vakapara mhosva kana kubatsira vakapara mhosva vanosungwa nekumiswa mberi kwematare.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG