Accessibility links

Breaking News

Vari Kurwisana kuSudan Voramba Kumbomisa Hondo Youraya Vakawanda


COMBO-SUDAN-CONFLICT-BURHAN-DAGLO

Kurwisana kunotyisa kuri kuenderera mberi muSudan sezvo mauto ari kutungamira nyika mushure mekupidigura hurumende nechimwe chikwata chakavapandukira cheRapid Support Forces kana kuti RSF varamba kutambira kurudziro yekuti vambomisa hondo kwezuva rimwe chete.

Pfuti dzinonzi dziri kurira muguta gutu renyika iyi reKhartoum. Mukuru wehurumende General Abdel Fattah al-Burhan nemutungamiri weRSF General Mohamed Hamdan Dagalo vakambenge vazivisa nezuro kuti vakazvipira kumisa hondo. Vari kurwisana ava vakambobatana muna Gumiguru 2021 kupidigura hurumende yaVaOmar al-Bashir avo vaitonga nedemo.

Vakapa chivimbiso ichi kugurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken.

Izvi zvaiitirwa kupa masangano anobatsira mukana wekumbobatsira vanhu vakakuvara kana vasina zvekudya. Kubva zvatanga hondo iyi nemusi weMugovera, vanhu mazana maviri nemakumi manomwe, 270 vafa vamwe zviuru zviviri nemazana matanhatu, 2, 600 vakakuvara

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG