Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Runyararo Pamberi peSarudzo, Asi Vanopikisa Vachiti Vanotenda Maruva Vadya Chakata


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Zimbawe nhasi yacherechedza makore makumi mana nematatu yawana kuzvitoaga kuzere mutungamiriri wenyika, VaEmmeron Mnangagwa, vachikurudzira kubatana neruranyaro munyika sezvo nyika yatarisana nesarudzo asi vemasangano anoshanda akazvimira nemasangano anopkisa vachiti veruzhinji havasati vawana zvavaishuvira kuhondo,

Mumashoko avo pamhenmberero dzaitwa kuMt Darwin kudunhu reMashonaland Central, VaMnangagwa vati havasi kuzobvumira masangano anoshanda akazvimirira kuparadzanisa vanhu munyika vachiti Zimbabwe ichaita sarudzo dzakachena uye dziri pajekerere gore rino.

Vakurudzira kuti vanhu vavhote murunyaro uye kuti vachengetedze runyararo urwo rwakaunzwa nevarwiri vehondo yerusununguko.

Asi mumashoko kuvatori venhau, sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International rati hurumende yaVaMnangagwa iri kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya nekuvambunyikidza.

Mutauriri webato rinopikisa reTripple C Muzvare Fadzayi Mahere vanoti veruzhinji vange vasingafungire kuti vachange vachitambura sezvavari kuita.

Vati huwori huri kuitika munyika mukutengeswa kwegoridhe nezvimwe sezvakafushunurwa nenhepfenyuro yeAl Jazeera hunoda kuti veruzhinji vavhote nehungwaru kana sarudzo dzikiwa zvakajeka.

Mumwe murwi wehondo yerusununguko, VaNicholas Kativhu vanot.

Asi vachitaura mushure mekupinda mumhemberero dzanhasi, mutauriri weMovement for Democratic Change, VaWitnes Dube vati zuva ranhasi harinei nekuti ndiani ari kutonga asi kuti izuva rekupemberera kuzvitonga kuzere senyika.

Vanoona nezvekushambdzwa kwezvirongwa musangano rinoshada rakazvimirira, reHeal Zimbabwe Trust, VaTapiwanashe Chiriga vanoti munyika munofanira kuva nerunyararo.

Mumwe wevechidiki muZanu PF avo vapinda mumhemberero dzanhasi, VaPeter Matangi vaudza Studio 7 kuti vafadzwa nemashoko aVaMnangagwa ekurudzira runyararo nesarudzo dzachena.

Mamwe mapato anopikisa ari muPolitical Actors Dialogue pamwe neMDC ange ari pamhemberero d dzanhasi kusanganisira vaimbova mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Amai Joice Mujuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG