Accessibility links

Breaking News

G7 Yokurudzira Sudan Kuti Imise Hondo Yauraya Vanhu Mazana Maviri


JAPAN-G7-DIPLOMACY-POLITICS-japon
JAPAN-G7-DIPLOMACY-POLITICS-japon

Nyika nomwe dzakabudirira kana kuti G7 dzashora zvikuru kurwisana kunotyisa kuri kuitika muSudan dzikakurudzira kuti hondo iyi imire.

Kubva nemusi weMugovera vanhu vanodarika mazana maviri vafa mukurwisana uku. Kurwisana kunotyisa kuri pakati pehurumende yemauto nevechikwata chinonzi Rapid Support Forces kana kuti RSF.

Makurukota enyika dziri mugungano reG7 ari kusangana muJapan parizvino.

Mumashoko kuvatori venhau, makurukota ari muG7 aya ati kurwisana uku kuri kuisa hupenyu hwevanhu munjodzi uye kuri kukanganisa hurongwa hwekuti munyika iyi muve nehutongo hwejekerere.

Mashoko aya ari kuuya apo America iri kutiwo motokari yemuzinda wayo munyika iyi yakaridzirwa pfuti neveRSF kunyangwe pasina akakuvara.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken vati vataura nemukuru wemauto muSudan, General Abdel Fattah al Burhan uye vari kutungamira RSF General Mohamed Hamdan Dagalo vakavakurudzira kuti vamise hondo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG