Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanonyorera kuHurumende Vachikurudzira Kuti Paitwe Musangano weNJNC neChimbichimbi


Vashandi vehurumende vachiratidzira.
Vashandi vehurumende vachiratidzira.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions neChitatu rakanyore tsamba gurukota rezvemabasa nevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, mukuru wePublic Service Commission, pamwe nevanotungamira nhaurirano dzeNational Joint Negotiation Council, NJNC, richivayeuchidza nezvenhau yemusangano weNJNC.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaCharles Chinosengwa, vanoti chinangwa chemusangano uyu chinenge chiri chekuti nhau dzakasarira dzisina kuwiriranwa dzipedzeswe.

VaChinosengwa vanoti vanotarisira kuti hurumende ichatambira kurudziro yavo yekuti musangano uyu uitwe kuitira kupedzisa nhaurwa dzakasarira pamusangano wavakapedzisira kuita, vachiti vashandi vari kuomerwa nekuti dhora remunyika riri kungoramba richishaya simba zuva nezuva,nekudaro vanofanirwa kuwedzerwa mihoro yavanotambira.

Hurumende yakazivisa mwedzi wapera kuti yakawedzera vashandi mihoro yavo, kunyange hazvo vashandi vari kuti havana kunge vawirirana panyaya iyi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kunea VaMavima pamwe nevamwe vose vakanyorerwa tsamba ava kuti tinzwe kuti matanho api avachatora panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG