Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inodzokorora Sarudzo Dzayo dzema Primary muMatunhu Mana eMunyika


Murongi wemusangano muZanu PF, VaMike Bimha
Murongi wemusangano muZanu PF, VaMike Bimha

Bato reZanu PF neMugovera radzokorora sarudzo dzaro dzema primary mumatunhu mana anoti Mbare, Churu, Gokwe-Nembudziya neZvimba West.

Sarudzo mudunhu reshanu reInsiza South, kuMatabeleland South Province dzinonzi dzichaitwa musi wa 22 Kubvumbi, unove Mugovera unoya.

Kudunhu reZvimba West, VaZiyambi Ziyambi, avo vanove gurukota rezvemutemo, vari zvakare mumiriri wedunhu iri muparamende, vakanga vakundwa musarudzo dzekutanga idzo dzinonzi hadzina kufambiswa zvakanaka zvakazoita kuti dzinzi dzidzokororwe.

Izvo ndizvo zvimwechete zvakaitika kuGokwe-Nembudziya, uko mumiriri wedunhu iri muparamende, VaJustice Mayor Wadyajena vakakundwa naAmai Flroa Buka asi sarudzo idzi dzakanzi zvakare hadzina kufamba zvakanaka.

Hatina kukwanisa kubata Murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha vakazivisa kuti tinzwe kuti sarudzo idzi dzafamba sei, uye kuti zvichabuda musarudzo zvinoziviswa riinhi?

Asi VaBimha vaudza bepanhau reSunday Mail kuti zvichabuda musarudzo idzi zvichaziviswa nemusi weMuvhuro, vachiti sarudzo idzi dzaitwa murunyararo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG