Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vodomwa Kutungamira CCC Musarudzo Apo Bato Ropepeta Vamwe Vari Kuda Kukwikwidza Mune Dzimwe Sarudzo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Komisheni iri kutungamira kusarudzwa kwevanhu vachamirira bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) musarudzo dzegore rino yeCitizens Candidates Independent Selection Panel kana kuti CSIP nhasi yazivisa kuti mutungamiriri webato iri, Advocate Nelson Chamisa, ndivo vega vakadomwa kumirira bato CCC musarudzo dzemutungamiriri wenyika.

Panonzi pane vanhu vanhu vanodarika zviuru zviviri vari kuda kumiririra bato mudare reNational Assembly kozotiwo vanhu vano darika zviuru makumi matatu vari kuda kumirira bato iri kumakanzuru. .

Mutauriri wekomisheni yeCSIP iyi, VaSherpard Ngandu, vati VaChamisa vakasarudzwa zvine mutsindo kuti vamirire bato iri musarudzo dzemutungamiriri wenyika.

VaNgandu vatiwo pane vanhu vakawanda vari kuda kumirira CCC musarudzo dzeparamende nemakanzuru.

Vati nekuda kwaizvozvo, vanhu vese vave kuenda pachidanho chinotevera, chekuongororwa nhoroondo dzavo mumusangano, muhondo yekurwira hutongi hwejekere pamwe nekuti vane zvimiro zvakanaka here munharaunda dzavo nezvimwe zvinotarisirwa nebato.

Vakafanobata chinzvimbo chemutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziba vaudza Studio 7 kuti vanofara chose kuti pakadomwa vanhu vakawanda kusanganisira vadiki, vakarwa hondo yesununguko nevamwe.

VaNgandu vatiwo vakwana zvichemo kubva kune vamwe vasina kufara nezvakaitika kunyaya nyaya yemhirizhonga vakavimbisa kuti zvichagadziriswa.

Mukuru wePlatform For Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vati kuwanda kwevanhu vari kuda kupinda muparamende nemakanzuru kubva kumapato ezvematongerwo enyika kunoratidza kuti veruzhinji vave kuona kuti ndozvine raramo.

Zvichakadai, murongi wemisangano muZanu PF, Doctor Mike Bimha, vazivisa kuti bato ravo richaita zvekare sarudzo dzekutsvaga vacharimirira musarudzo dzeparamende mumatunhu mashanu umo musina kufambiswa sarudzo zvakanaka.

Nzvimbo idzi ndedzinoti, Mbare, Churu, Chipinge South, Zvimba West neGokwe Nembudziya.

Gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vakatozvisa kuti sarudzo dzichaitwa svondo rekupera kwaChikunguru kana muna Nyamavhuvhu.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG