Accessibility links

Breaking News

Dare Rinonzi Rikasapindira PamaZEP, Vana veZimbabwe Vanoitwa Zvakaitwa VekuIndia naVaIdi Amini kuUganda


 Idi Amin Dada, 1975. (AP Photo)
Idi Amin Dada, 1975. (AP Photo)

Rimwe gweta riri kumirira zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zana zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permits Advocate Thembeka Ngcukaitobi vati zvizvarwa zveZimbabwe zvikadzoserwa kumushazvi charasikirwa zvakanyanya.

VaNgcukaitobi vari kumiririra zvizvarwa zveZimbabwe zana zviri musangano reZimbawe Immigration Federation.

Nyaya iyi iri kuzeyiwa mudare repamusoro muPretoria uye iri kutarisirwa kupetwa mangwana.

South Africa yakaparura magwaro emaZEP muna 2009 asi asi yakazivisa gore rapera kuti ainge asvika kwamvura yachekamakumbo uye kutanga musi wa 1 Chikunguru zvizvarwa zveZimbabwe zvinogona kutanga kumanikidzwa kudzokera kumusha.

Magwaro eZEP akapihwa kuzvizvarwa zveZimbabwe zviuru zana nemakumi manomwe nemasere kana kuti 178 000.

Vati zvizvarwa zveZimbabwe zvikamanikidzwa kudzokera zvinogona kupa kuti zvirasikirwe nemidziyo nemabhizimisi sezvakaitika kune verudzi rwechiIndia kuUganda muna 1972 pavakatorerwa zvinhu zvavo zvose mushure mekupihwa mwedzi mitatu chete nevaive mutungamira wenyika iyi, VaIdi Amini.

Asi magweta egurukota rezvemukati menyika VaAaron Motsoaledi vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvakapihwa nguva yakakwana kubva muna Zvita gore rapera kuti vatsvage mamwe magwaro ekugara munyika iyi kana kuti kudzokera kuZimbabwe.

Rimwe sangano reZimbabwean Exemption Permit Holders Association. Sachigaro wesangano reAfrican Diaspora Forum VaVusimusi Sibanda vati vane chivimbo kuti dare richawedzera ngva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigare munyika iyi zviri pamutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG