Accessibility links

Breaking News

Chingochani Chotsemura nePakati United Methodist Church Apo Vatendi vemuAfrica Voronga Kuzvimirira Voga


United Methodist Church inonzi yaita kupesana panyaya yeremangwana pachingochani.
United Methodist Church inonzi yaita kupesana panyaya yeremangwana pachingochani.

Nhengo dzeUnited Methodist Church muAfrica dziri kusangana svondo rinouya muJohannesburg muSouth Africa kwemazuva mashanu pamusangano weUnited Methodist Church Africa Forum, uyo unotarisirwa kuzeya remangwana rekereke iyi.

Nhengo dzekereke yeUnited Methodist pasi rose dzinonzi hadzisi kuwirirana pashanduko dzinonzi dziri kuda kuunzwa mukereke iyi, izvo zvinonzi ndizvo zvasvitsa pakuti vari muAfrica vashevedzere musangano uyu.

Vatendi vemuAfrica vanonzi vari kuramba dzimwe shanduko dzakaita sekuti vanoita zvehungochani vave vasandiri, uye vanonzi vari kudawo kuti kereke izvimirire muAfrica, kwete kuramba ichiwana rubatsiro kubva kuAmerica.

Mumwe wevachataura pamusangano uyu, Mufundisi Lloyd Nyarota, avo vari kuCanada, vanoti musangano uyu, uyo uchaitwa kubva musi wa20 kusvika musi wa25 mwedzi uno, wakakosha zvikuru kuvana vemuAfrica vanopinda United Methodist Church kuti vaone kuti vari kubvepi uye vari kuendepi, uye kuti vanenge vachifamba sei kuenda mberi.

Mufundisi Lloyd Nyarota veUnited Methodist Church kuCanada
Mufundisi Lloyd Nyarota veUnited Methodist Church kuCanada

Mufundisi Nyarota vanotiwo chikuru chiri kurambwa nevatendi vemuAfrica inyaya yekumanikidzwa kutambira zvavasingade, kusanganisira nyaya dzechingochani idzo dzinonzi dziri kunetsa mukereke iyi.

Vanoti musangano uyu uchapa nhengo dzekereke yeUnited Methodist muAfrica mukana wekuzivisa pasi rose kuti Africa yakura, yabva zera inofanirwa kuchizvimirira uye icharamba yakamira nedzidziso yemubhaibheri.

"Ichechi inoramba yakatsika pane dzidziso yemubhaibheri. tikange tauya kune idzi nyaya dziri kunetsa dzechingochani idzi, isu chechi yemuAfrica tiri chechi isingagamuchiri dzidziso yakadaro.

"Tiri chechi inoti, aaah, kana munhu achiita kamuraramiro kakadaro haangagone kuti agadzwe kuti ave musandiri muchechi yeUnited Methodist muAfrica," vanodaro Mufundisi Nyarota.

Musangano uyu unonzi uchapindwa nenhengo dzekereke yeUnited Methodist dzinobva kunyika dzinodarika makumi maviri, kusanganisira Zimbabwe neAmerica.

United Methodist Church inonzi ine nhengo dzinodarika mamiriyoni mashanu dziri muAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG