Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vokurudzira Hurumende yeMubatanidzwa kuNorthern Island


President Joe Biden takes a selfie with guests after speaking at Ulster University in Belfast, Northern Ireland, April 12, 2023.
President Joe Biden takes a selfie with guests after speaking at Ulster University in Belfast, Northern Ireland, April 12, 2023.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vaudza vanhu kuBelfast, Northern Ireland kuti vanovimba kuti hurumende yemubatanidzwa inogona kutanga kushanda zvakare vachivimbisa kuti america yakazvipira kusima mari inosvika mabhiriyoni matanhatu kanma izvi zvikaitika.

Bato reDemocratic Unionist Party remunyika iyi rakabuda muhurumende yemubatanidzwa paita kusawirirana mushure mekunge Britain yabuda muEuropean Union kana kuti BREXIT bato iri rinoda kuramba richidyidzana neBritain.

Rimwe bato guru reSinn Fein rinoti rinoda kudyidzana neireland. Mhuri yavabiden ine midzi muNorthen Ireland. VaBiden vaitawo musangano nemutungamiri wehurumende VaRishi Sunak.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reBelfast muNorthern Ireland VaMasimba Mavaza vanove nhengo yeZanu-PF asi vari kutaura vakazvimirira vanoti vagiri vemuBelfast vari kufara zvikuru nekushanya kwava Biden uye vabuda nehuwandu kunyangwe kuri kutonhora uye kuchinaya parizvino.

Vanoti kushanya kwaVaBiden kunoratidza kuti america yakazvipira munyaya yekusimbaradza hukama hwayo neNorthern Ireland uye nekukurudzira runyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG