Accessibility links

Breaking News

SADC Yotumira Nhume kuZimbabwe Kuti Dziongorore Gadziriro yeSarudzo


Kanzuru inoona nezvesarudzo muSADC ye SADC Electoral Advisory Council (SEAC) yakapinda munyika nezuro uye yatanga kuita misangano nehurumende, vemapato anopikisa, vatori vanhau pamwe nevese vane chekuita nesarudzo.

Kanzuru iyi iri kuda kuona kuti Zimbabwe yagadzirira sarudzo here ichiteverawo zviga zvesangano rekuchamhembe kweAfrica iri kana kuti SADC Principles and Guildines.

Vachitaura nevatori venhau, sachigaro wekanzuru iyi, Justice Ticheme Dhlamini vekuEswatini, vati vanoda kuona kuti zvinhu zvakamira sei panyaya dzematongerwo enyika uye kuti mune runyararo here kuti nyika iite sarudzo dzakajeka.

Vaenderera mbeeri vachiti vanoda kuongorora mitemo yenyika yesarudzo uye kuti inoenderana here nezviga zveSADC pamwe nekuti komisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) yagadzirira here kuita sarudzo.

Vatiwo vanoda kuona kuti vatori venhau vari kuita basa ravo vakasunguka here uye kuti mapato ezvematongerwo enyika ari kupihwa mukana wekushambadzwa here panhepfenyuro nemapepanhau ehurumende.

Vachitaura pamusangano uyu mupepeti wenhau, wesangano renhau reZimNow Muzvare Monica Cheru Mpambawashe vaudza kanzuru iyi kuti vanotyira kuti vatori venhau vachashungurudzwa nevemapato ezvematongerwo enyika sezvange zviri kuitika mukati memwedzi yapfuura.

Izvi zvatsigirwawo nemupepeti wepenhau reHerald, naVaHatred Zenenga, avo vati vatori venhau vebepa ravo vanoshungururudzwa nevemapato anopikisa. Imwe nyaya yabuda mumusangano uyu ndeye kuti kunyange hazvo mutemo wesarudzo uchisungira kuti ZBC ipe mikana yakafanana ZBC haisi kuita izvi.

Asi mukuru anoona nezvemarhedhiyo muZBC VaRabson Mhandu vati ZBC inopa mapato ezvematongerwo enyika mukana zvicheinderana nekukura kwawo.

Vamwe vakaita saVaShingirayi Vambe VePost on Sunday vaudza kanzuru iyi kuti havafariwo kuti ZEC haiburitsi mashoko kuvatori venhau panguva yavanenge vachiida.

Justice Ticheme vati zvakakosha kuti vemapato ezvematongerwo enyika aremekedze vatapi venhau nekuti ndiwo anoshambadza zvirongwa zvawo.

Vatiwo vachasangana nemapato ezvematongerwo enyika, mapazi gumi nerimwe ehurumende anosanganisira rekuburistwa kwemashoko, mapurisa mutemo, vamiriri venyika dzeSADC neAU muZimbabwe pamwe neUnited Nations.

Vati kana vachinge vapedza vachanyora gwaro ravachaendesa kukomiti yeSADC inoona nezvePolitics, Organ and Defence kuti inoone kuti yotuma nhuwa kuzoongoorora sarudzo dzeZimbabwe here.

Komiti iyi ichapedza ongororo yayo muZimbabe musi wa20 mwedzi uno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG