Accessibility links

Breaking News

PaNyaya yeZEP, Hurumende yeSouth Africa Inoti Matare Haafanire Kupindira


VaAaron Motsoaledi
VaAaron Motsoaledi

Nyaya yekusvika kumagumo kwemagwaro eZimbabwe Exemption Permits musi wa30 Chikumi iyi yapinda muzuva repiri ichizeyiwa nedare repamusoro muPretoria.

Nhasi gweta riri kumirira gurukota rinoona nezvemukati menyika muSouth Africa VaAaron Motsoaledi Advocate Ismail Jamie vaudza dare kuti kana rikatevedzera zviri kudiwa neveHelen Suzman Foundation vari kumiririra zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permits kana kuti ZEP, zvinenge zvoreva kuti rinenge ropindira pamashandiro ehurumende zvinova zvisingaenderane nebumbiro remitemo rinoti mapazi aya anofanira kushanda akazvimirira kana kuti separation of powers.

VaJamie vati izvi zvinoitika chete kana izvi zvaitika panotofanira kunge paitika chinhu chikuru chaicho.

Vati chikumbiro cheHelen Suzman Foundation chekuti nguva yekugara munyika iyi iwedzerwe negore nemwedzi misere zvakangofanana nekupidigura danho rakatorwa naVaMotsoaledi. Nyaya iyi iri kuenderera mberi ichinzwikwa mangwana.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwean Exemption Permit Association VaEdward Muchatuta vaudza Studio 7 kuti chivimbo chavo kuti vabvumidzwe kuramba vachishanda zviri pamutemo muSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG