Accessibility links

Breaking News

America Yobatsira neMari YeKugadzirisa Great Zimbabwe


Great Zimbabwew
Great Zimbabwew

Hurumende yeAmerica yavimbisa kuramba ichibatsira Zimbabwe nemari yekuchengetedza tsika ne magariro ayo kubudikidza nekuchengetedza nzvimbo dzekushanyirwa dzakakosha pamwe nezvime zviwanika zvine chekuita netsika dzechinyakare.

Vachitaura pamhemberero dzekupeta chirongwa chekuvandudza midhuri yenzimbo yekushanyirwa yeMasvingo eGreat Zimbabwe ayo ange awondomoka, vakafanobata chigaro chemumiriri weAmerica muZimbabwe, Muzvare Elaine French vati nyika yavo yakazvipira kuramba ichibatsira Zimbabwe kune dzimwe zvimbo dzakakosha zvakadai.

Muzvare French vati nyika yavo yakabatsira Zimbabwe nemari inosvika zviuru mazana manomwe nemakumi matanhatu kana kuti U$76 000 kwemakore gumi nemashanu apfuura uye vacharamba vachibatatsira nekuti nzvimbo idzi dzakakosha.

Chirongwa chekuvandudza mudhuri weGreat Zimbabwe pamwe nekubvisa sora reLantana Camara chakatanga mugore re2018 uye hurumende yeAmerica yakaisa mari inodarika zviuru makumi mana kana kuti US$40, 000.

Vati zvakakosha nekuti zvinoita kuti tsika nemagariro evanhu vemuZimbabwe achengetedzeke uye azokwanisa kuonekwa nevanhu vanobva kunyika dzakasiyana siyana kusanganisira nyika yavo.

Vachitaurawo pamusangano mumwechete uyu, gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira vati hurumende inotenda zvikuru nerubatsiro rwabva kunyika yeAmerica uye vanotarisira kushandidzana zvakanaka.

Izvi zvatsinhirwa naMambo wenzvimbo iyi achangobva kugadzwa svondo rapfuura asi zvine mutauro nevamwe vemhuri yavo, Ishe VaMutubede Mugabe avo vakumbira kuti hurumende yeAmerica irambe ichibatsira nemari mukuchengetedza nzvimbo dzakakosha patsika dzenyika dzakaita seGreat Zimbabwe.

Vachitaurawo vakamirira gururukota rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika, VaKazembe Kazembe mukuru webari rezvekuchengetedzwa kwezvivakwa nekushanyirwa kwenyika, Muzvinafuno Sarah Feresu vati vanotenda nekushandidzana neAmerica zvinobatsira kusimudzira hupfumi hwenyika.

Mumwe mugari wemunharaunda yeGreat Zimbabwe ange ari pamhemberero dzanhasi VaPhanos Matura vanoti zvakanaka zvikuru zvakaitwa panzvimbo yavo iyo inovapa mabasa neraramo nemhuri dzavo kubva mukashanyirwa

Kuvandudza Masvingo eZimbabwe kunobatsira kusimudzira huppfumi hwedunhu iri kuburikidza nemari dzinouya nevashanyi. Zimbabwe Tuourism Authority inoti vashandyi vakawanda vari kuuya kuZimbabwe vari kubva kuSouth Africa. Vamwe vanobva kuBotswana, Malawi, Angola, Mozambique neZambia.

Zimbabwe iri kuyedza kukwezvawo vamwe vashanyi kubva kunyika dzekumawirira nekumabudazuva nekutumira vashanyi vanenge vachishanda kumizinda yenyika. Donzvo rehurumende nderekuti panosvika gore ra2025 inge yave kukwanisa kuwana mari inosvika mabhiriyoni mashanu mukushanyirwa kwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG