Accessibility links

Breaking News

Kuramba Dhora reMunyika Roshaya Simba Kwoyeredza Mihoro yeVashandi Vakawanda Vanotambiriswa Mihoro yeMadhora eMunyika


Dhora remunyika rinonzi riri kuramba richidonha kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Dhora remunyika rinonzi riri kuramba richidonha kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Dhora remunyika rinonzi riri kuramba richishaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica, iro rinonzi rave kutengeswa pamusika mutema nemadhora emunyika ari pakati pechiuru nemazana mana, kana kuti zwl$1,400.00 nemadhora chiuru nemazana matanhatu, kana kuti zwl$1,600.00 padhora rimwe chete rekuAmerica.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo mitengo yezvinhu muzvitoro iri kunzi iri kukwirawo.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti kushaya simba kwedhora remunyika kunoreva nzara muvashandi vakawanda sezvo vachitambira mihoro yavo nemari yemunyika, uye vezvitoro vachikwidzawo mitengo yezvinhu pese panoshaya simba dhora remunyika.

ZCTU inoti kushaya simba kwemari yemunyika kuri kuomesera vashandi zvakanyanya
ZCTU inoti kushaya simba kwemari yemunyika kuri kuomesera vashandi zvakanyanya

Nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzepasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti izvi hazvisi zvinhu zvitsva zvekuti dhora remunyika rinoramba richishaya simba, vachiti uyu mucherechedzo wekukundikana kwebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe kuita basa raro nemazvo.

Vamwe vanobvunza kuti chii chingadai chiri kukonzera zvose izvi? Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Propser Chitambara, vanoti izvi zviri kukonzerwa nekuwanda kwemari yemunyika zvichitevera kuwedzerwa kwemihoro yevashandi vehurumende pamwe nevemakambani akazvimirira mwedzi wapera.

Ukuwo, VaMoyo vanodzoka vachiti sesangano rinomirira vashandi, gore rapera vakanga vaedza kutaura nevashandirwi kuti vatambirise vashandi nemari yekuAmerica, uye kuti vawedzere vashandi mihoro yavo gore rino pose panenge paderera dhora remunyika huremu.

Saka zvingagadziriswa sei zvekushaya simba kuri kuramba kuchiita dhora remunyika kuitira kuti vashandi vasare vaine cheuviri panopera svondo? Doctor Chitambara vanoti dambudziko iri rinonetsa kugadzirisa nekukasika nekuti panofanirwa kuitwa zvakawanda.

Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Pamusika weR-B-Z neChipiri dhora rekuAmerica raitengeswa nemadhora emunyika mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemapfumbamwe, kana kuti ZWL$959.00.

Kushandiswa kwedhora remunyika kunonziwo nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi kwaderera zvakanyanya zvekusvika pazvikamu makumi maviri kubva muzana, kana zvichienzaniswa nekushandiswa kwedhora rekuAmerica mumapoka ose ekushandiswa kwemari munyika.

Ukuwo, rimwe sangano rekuSerbia reNumbeo, iro rinoongorora kukwira kwemitengo yezvinhu zvinodiwa kana kushandiswa neveruzhinji pasi rose, rakaisa Zimbabwe pachinhanho chechishanu panyika gumi dzemuAfrica dzine mitengo yezvinhu iri pamusoro zvakanyanya mugore rino ra 2023.

Nyika iri pamusorosoro iSenegal, ichiteverwa neIvory Coast, Ethiopia neMauritius dziri pamusoro peZimbabwe, kuchitiwo pasi peZimbabwe paneSouth Africa pachinzvimbo chechitanhatu, kwotevera Namibia, Botswana, Cameroon neKenya.

Svondo rapera bazi rezvamari rakazivisa kuti rakanga rabvisa makambani gumi nematatu pamakambani anodyidzana nehurumende achipomerwa mhosva yekutengesa mari pamusika mutema.

Kusvika hurumende pamwe nebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe vatora matanho akasimba, nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti matambudziko ekushaya simba kwedhora remunyika, pamwe nekukwira kwemitengo yezvinhu acharamba achiremedza hupfumi hwenyika kuti husasimuka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG