Accessibility links

Breaking News

America Yoronga Kushandisa Motokari Dzinoshandisa Magetsi kwePeturu


Ongororo ichangobva mukuitwa muAmerica inoratidza kuti vanhu vakuru vana pavanhu gumi vanoti vanoda vanoda kutenga motokari inoshandisa magetsi kana kuti Electric Vehicle kana vave kuda kutenga motokari itsva.

Asi ongororo iyi inoti kunyangwe vanhu vakapihwa mari inosvika zviuuri mazana manomwe nemashanu kana kuti 7,500 yekutenga motokari nemutero, zvichanetsa kuti chido chemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden kuti vanhu vashandise motokari dzemagetsi kwete dzepeturu nedhiziri dzinosvibisa mweya wekufema.

VaBiden vanoti varikuda kuti panosvika gore ra 2032 vakawanda vange vave kutyaira morkari dzine mabhatiri emagetsi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG