Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMagwaro eZEP Yopinda Mudare Kutanga Mangwana Kusvika Musi weChina


VaEmmerson Mnangagwa naVaCyril Ramaphosa
VaEmmerson Mnangagwa naVaCyril Ramaphosa

Kutanga mangwana kusvika musi wechina, dare repamusoro muPretoria, South Africa richatanga kunzwa nyaya yezvizvarwa zveZimbabwe zviuru zana nemakumi manomwe nemasere kana kuti 178 000 zvine magwaro ekugara nekushanda munyika iyi zviri pamutemo eZimbabwe Exemption Permits ayo ave kusvika kumagumo musi wa30 Chikumi.

Vakaendeswa kumatare igurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa VaAaron Mostoaledi. Vakaendeswa kumatare nezvizvarwa zveZimbabwe zvichimiririrwa nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHelen Suzman Foundation.

Kunyangwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kuti hazvina kugadzirira kudzokera kuZimbabwe, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti zvinhu zvanaka munyika uye kune mabasa.

Muna Kukadzi, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaita musangano nemukuti weInternational Organization for Migration VaAntonio Vitorino vakatnderana kuti sangano iri ribatsira kudzoka kumusha kwezvizvarwa zveZimbabwe. Hurumende yakatotumirawo chikwata kubva kumapazi akasiyana siyana kunotaura nevari kuda kudzok kumusha.

Mudare mangwana munenge muine vamiriri veHelen Suzman Foundation nevari kuvatsigita veConsortium for Refugees and Migrants CORMSA, Zimbabwean Immigration Federation, African Amity and Twenty Nine others. Sangano reAll Truck Drivers Forum and Allied South Africa riri kutsigira hurumende yeSouth Africa.

Hurumende yeSouth Africa inoti ZEP ragara riri gwaro range risingakwanise kushandiswa kusvika nekusingapere uye inoti vanhu vemuSouth Africa vanodawo mabasa.

Amai Diana Zimbudzana Changara vanoshanda nesangano reZimbabwe Exiles Forum vanoti kuenda kudare idanho rakanaka sezvo vehurumende yeSouth Africa vari kuramba vakatsika madziro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG