Accessibility links

Breaking News

VaScott Sakupwanya Vanonzi naVaAngel Vabata Musika weGoridhe muNyika


Nhepfenyuro yekuqatar yeAl Jazeera yaburitswa nzwisa chete yechikamu chechina nechekupedzisira chakaitwa nevatori venhau vayo kuyanika pachena huwori hunonzi huri kuitwa mukutengeswa kwegoridhe munyika uye kucheneswa kwemari dzakasviba.

Muchikamu chekupedzisira cheGold Mafia chiri kuburitswa neAl Jazeera, VaUebert Angel vari kubuda vachiti panyaya yekutengesa goridhe munyika, ari pamberi kudarika vamwe vose ndiVaScott Sakupwanya avo vakasarudzwa neZanu-PF kuti vave mumiriri wemabvuku tafara musarudzo dzedare reparamende.

Studio 7 yayedza kubata vaSakupwanya asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko amai Monica Mutsvangwa vakazivisa vatori venhau kuti hurumende yakazvipira kuferefeta vose vari kuita zvehuwori.

Vanhu vanomwe kusanganisira VaAngel vakanzi vambomira kushandisa mari dzavo dziri mumabhanga.

Sangano remapurisa pasi rose reInterpol riri kutarisirwa kuferefeta nyaya iyi. Studio 7 yakatumira mubvunzo kumuzinda wesangano iri asi ichiri yakamirira mhinduro.

Asi nhengo yebhodhi reAnti-Corruption Trust of Southern Africa VaAlouis Chaumba vanoti hazvishamise kuti VaSakupwanya vari kubatwa nemambure eAl Jazeera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG