Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vorarama Nekutengesa Zvinhu NeNyaya yeHurombo


Vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro vakawanda vanoti vava kuita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana muzvikoro mavanodzidza kuitira kuti vawane cheuviri sezvo vabereki vavo vari kuomerwa nehupenyu.

Mumwe wevadzidzi vakadai, ndiMuzvare Selina Nyamangara, avo vari kudzidzira basa rekutora nhau paUniversity of Zimbabwe. Muzvare Nyamangara vanoti hupenyu hwavo ndehwekugara vakamhanyiswa nemapurisa pese pavanenge vachiita zvekutengesa.

Muzvare Nyamangara, avo vakatanga kudzidza paUniversity of Zimbabwe muna 2021, vanoti zvekuetengesa zvinhu zvinovapa chevuviri sezvo zvavanowana kubva kuvabereki zvisingavakwaniri.

Muzvare Nyamangara mumwe wevadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro, vanodarika zviuru zvishanu, sekutaura kweZimbabwe National Students Union, vari kubatsirikana zvikuru nekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana panguva yavanenge vasiri pazvidzidzo zvavo.

Munyori mukuru wesangano revadzidzi pa University of Zimbabwe re Students’ Representative Council, VaMunashe Masiiwa, vanoti kushomeka kwedzimari dzinotambirwa mazuva ano ndiyo honzeri yenhamo yakatarisana nevadzidzi vakawanda.

Mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, uye ari nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaTichaona Muchinazvo, vanoti kutambura kuri kuita vabereki vevadzidzi ava ndiko kuri kukonzera kuti vadzidzi ava vaite mabasa ekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana panguva iyo vanenge vachifanirwa kuverenga zvidzidzo zvavo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari pachipangamazano musangano re Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Va Prosper Chitambara, vanoti zviri kuitika izvi zviri kukonzerwa nekushaikwa kwerubatsiro rwunobva kuhurumende.

Muzvare Nyamangara vanoti sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka, vakaona zvakakodzera kuti vaite mabhindauko ekutenga nekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumunyori webazi yedzidzo yepamusoro soro, VaFanuel Tagwira, kuti seyi hurumende isiri kubatsira vadzidzi nerutsigiro rwemari.

Asi vachitaura vari paNational University of Science and Technology muna Kurume, gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakati hurumende ine hurongwa hwekudzosa homwe yemari yekubatsira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro.

Kudzamara izvi zvaitika, Muzvare Nyamangara vanoti vacharamba vachiita hwagonzo nakiti nemapurisa apo vanenge vachitengesa zvinhu zvavo

Sangano reZimbabwe National Students’ Union rinoti muZimbabwe mune vadzidzi vakaita saMuzvare Nyamangara vanodarika zvuru zvishanu vari kubatsirikana nekuita mabhindauko ekutenga nekutengesa zvinhu muzvikoro zvepamusoro soro sezvo vasiri kuwana rubatsiro rwehurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG