Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votaura Nezviri Kufushunurwa neAl Jazeera


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti zviri kuburitswa nenhepfenyuro yekuQatar yeAl Jazeera zvinoratidza kuti nyika yave kuda hutungamiri hutsva.

VaChamisa vanoti hupfumi hwenyika huri kudyiwa nevashoma vakawanda vachinonga svosve nemuromo.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsavangwa vakazivisa kuti hurumende ichaongorora vose vari kunzi vaiita huwori neAl Jazeera. Vamwe vanomwe vakadomwa neAl Jazeera vakatorerwa matanho neReserve bank of Zimbabwe sezvo mabhanga avo akanzi aone kuti havashandise mari dzavo.

Asi hapana kutaurwa kuti imarii dziri mumabhanga macho. Vanzi neRBZ vambomiswa nemabhanga kushandisa mari dzavo vanoti, VaEeubert angel, VaSimon Rudland, VaEwan Mcmillan, VaKamlesh Pattni, uye VaCleopas Chidodo vezvekuchengetedzwa kwenhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport vachishanda neCivil Avition Authority of Zimbabwe, VaDavid Chirozvi veRBZ Aurex Jewellery naVaFredrick Kunaka veFidelity Printers.

Nyaya iyi inogona kuguma yoferefetwa nevakuru vesangano remapurisa pasi rose reInterpol.

South Africa ine vamwe vemabhanga vanonzi vari kushandiswa nevamwe vakaita saVaRudland kuchenesa mari dzakasviba inoti yatanga kuongorora mabhanfa acho. Asi VaAngel, VaPattni, VaRudland, VaMacMillan vari kuramba kuti vari kuita zvehuwori.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG