Accessibility links

Breaking News

Studio 7 Nhasi Yasvitsa Makore Makumi Maviri Ichitepfenyura


VOA STUDIO
VOA STUDIO

Chirongwa cheStudio 7 chasvitsa makore makumi maviri nhasi chatanga kutepfenyurwa vanhu vakawanda vachipembedza chirongwa ichi nekupa veruzhinji nhau dzisina divi radzakarerekera.

Vateereri veStudio 7 vakawanda vakaita sa Muzvare Tendai Nyakurumbwa vati vanofara zvikuru kuti chirongwa cheStudio 7 chiri kupa veruzhinji mukana wekunzwa nyaya dzisina divi radzakarerekera uye dzine hudzamu.

Mumwe muteereri weStudio 7, VaMoses Kumbweya, avo vanogara kuBulawayo vati chirongwa cheStudio 7 chakanaka zvikuru asi hachisi kusimbisa nyaya dzekuita tsvakiridzo dzine hudzamu kana kuti investigative journalism.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vati Studio 7 yakashanda zvakasimba mumakore makumi maviri apfuura kuudza vanhu nyaya dzinobata kodzero dzavo pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.

Izvi zvatsinhirwawo nemutauriri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere. Mutungamiri webato reDemocratic Party, VaWurayayi Zembe vatiwo vanofara kuti Studio 7 inotepfenyura nerurimi rwechishona zvinosimudzira mutauro.

Mibvunzo yatatumira gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa pamwe nemunyori mubazi ravo VaNick Mangwana yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo. Asi vachipindura mibvunzo iyi muzvinyorwa, mutevedzeri waAmai Mutsvangwa, VaKindness Paradza vati Studio 7 yanga ichitepfenyura zviri kunze kwemutemo kwemakore makumi maviri apfuura vakakurudzira kuti nhepfenyuro iyi inyorese nehurumende kuti ishande zviri pamutemo.

Asi gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavhima vati havo dzimwe nguva vanombouya pachirongwa cheStudio 7 kuti vagadzirise zvimwe zvavati zvinenge zvisina chokwadi zvinombotaurwa. VaLloyd Damba, mutauriri wemutungamiri webato reMDC VaDouglas Mwonzora vatiwo Studio 7 inopa vanhu vose mukana wekutaura nayo.

Nyanzvi munyaya dzezvekuburitswa kwemashoko VaRashweat Mukundu vati dai pasina kuparurwa kwechirongwa cheStudio 7 vanhu vazhinji vasina chavari kuziva pane zvinenge zvichiitika munyika.

Studio 7 inoteererwa nevanhu vakawanda muZimbabwe pamwe nekunze kwenyika. Chirongwa cheStudio 7 chakapa vanhu vakawanda mukana wekutaura pfungwa dzavo nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi, mabhizimisi, zvematongerwo, nyaya dzinobata vechidiki, madzimai, vakaremara, hutano mitambo nezvimwe nezvimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG