Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopomerwa Mhosva Yekutora Divi PaHumambo Hwekwa Mugabe Horwirwa neMhuri


VaConstantino Chiwenga (file photo)
VaConstantino Chiwenga (file photo)

Vamwe vemhuri yekwa Ishe Mugabe kuMasvingo nhasi varamwa kuenda kuChikarudzo kwange kuchigwadzwa VaMhute Mudavanhu sa Mambo Mugabe zviri pamutemo nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika VaConstantino Chiwenga, vachiti handivo vanofanira kutambidzwa tsvimbo.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaChiwenga havana zvavataura nezvebopoto ramuka mumhuri kunze kwekungogadza VaMudavanhu vakamirira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vange vari kuZITF kumusangano weConcord Young Women in Business Global ICT vakapedza zvidzidzo zvavo.

Vedzimwe mhuri vanoshanganisira vekwa Makusha , Dumbu, nevakwaMugabe vanoti hushe hwaifanira kuenda kumhuri yekwa Dumbu kubva pakashaika baba VaMudavnhu muna 2009, vaiva Ishe kubva muna 1980.

Asi mutauriri waIshe Mugabe, VaMoses Mudavanhu vachitaura kumucheto kwehurongwa hwekugadzwa kwaIshe mutsva vati pose panogadzwa Mambo panoita mutauro asi zvinozopera vachiti hurumende yaita zviri pamutemo.

Vachitaurawo neStudio 7 vamwe vakaita SaVaWilson Makusha varamwa kuenda kumutambo uyu vati vakamboedza kunyorera kuhurumende nekuendesa nyaya kumatare edzimhosva kuti vamise kugadzwa kwaVaMudavanhu asi hazvina zvakakona n’anga murapwa achida sezvo dare rakati nemusi weChipiri haisi nyaya inokwanisa kunzwikwa nechimbi chimbi.

Mumwe wemhuri VaHenry Mugabe vati havasi kutambira VaMudavanhu kunyangwe vagadzwa nehurumende nekuti zvaitwa hazvisi pamutemo wedzinza ravo.

Vachitaura pakugadzwa pamambo Mugabe vakamirira hurumende, gurukota redunhu reMasvingo VaEzra Chadzamira vati vanhu vanofanira kuremekedza agadzwa nemutungamuiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanova mukuru wehurumende.

Izvi zvatsinhirwawo nemutungamiriri wemadzishe munyika Ishe Fortune Charumbira vakurudzira vari kupokana kuti vachiita chinhu chimwe sezvo Ishe ava vagadzwa nemutungamiriri wenyika.

Vanoongora zvemagariro evanhu munyika vakazvimirira VaMadida Madida vati nyaya dzehumambo dzvave kunyanya makakatanwa nekuti dziri kupinzwa zvematongerwe enyika nebato rinotonga.

Izvi zvinononzi zvaiitwawo munguva yeRhodesia behurumende kuda kusarudzo madzishe anoitsigira.

Vamwe vemhuri iyi vati havasi kuzoremekedza mambo ava saIshe vavo nekudaro vachaenderera mberi nenyaya iyi kumatare edzimhosva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG