Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Votaura NezveKubudirira Kwavo Kuti Dare Rizeye Magurirwo Akaitwa Miganhu yeSarudzo neZEC


VaDouglas Mwonzora

Sarudzo dzemunyika dzinogona kumbomiswa kuitwa kana kuti pachashandiswa miganhu ya2008 mushure mekunge mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaDouglas Mwonzora vabudirira kuti nyaya yavo inzwikwe mudare repamusoro soro reConstitutional Court pakuganhurwa kwemiganhu yenzvimbo dzekuvhota kana kuti “delimitation.”

Izvi zvinotevera zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvemitemo kutyora mutemo kwakaitwa neZEC pakuganhura miganhu.

Asi ZEC inoti haina zvayakakanganisa. Hatina kukwanisa kubata sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba kuti tinzwe divi ravo. VaDouglas Mwonzora vaudza Studio 7 kuti ZEC yakatyora mutemo.

Vati gwaro iri “rakaitwa pachitsotsi, paine chinangwa chekubiridzira sarudzo.” Vati vari kuda kuti gwaro reZEC einzi harisi pamutemo, uye ZEC inyore gwaro idzva. Vatiwo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havafanire kutara zuva resarudzo nyaya iyi isagti yapera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG