Accessibility links

Breaking News

Al Jazeera Yaburitsa Chikamu Chechitatu Cheongororo Yekubiwa Kunoitwa Goridhe MuZimbabwe Richienda kuDubai neSwitzerland


FILE PHOTO: GORIDHE
FILE PHOTO: GORIDHE

Nhepfenyuro yekuQatar yeAl Jazeera nhasi yaburitsa chikamu chechitatu cheongororo yayakaita muchivande inoratidza kubiwa kunonzi kuri kuitwa goridhe muZimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica dzinosanganisira DRC neSudan nemakoronyera.

Kunyangwe hurumende yakamboti anoti bufu nezvenyaya iyi anokandwa mujeri, dare remakurukota rakazovimbisa kuti pachatorwa matanho pane vanobatwa nemhosva.

Nhasi Al Jazeera yange ichiburitsa vanonzi vari kuba goridhe vachiti muZimbabwe iro nezvimwe zvicherwa zviri mumaoko evashoma.

Pamwedzi Zimbabwe inonzi iri kurasikirwa nemabhiriyoni emadhora muhuwori pakutengeswa kwegoridhe.

Mumwe anoshanda naVaAngel ari hama yavo zvakare Rikki Doolan ari kubuda achiti anokwanisa kuchenesa mari yakasviba inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora. Mushure mekumboramba kutaura nezvehuwori hunonzi huri kuitika uhu, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakazoudza vatori venhau kuti vose vachabatwa mumambure ehuwori uhu vachasungwa.

RBZ yabva yazivisa kuti yambomisa kushandiswa kwemidziyo nemari yevamwe vakadomwa neAl Jazeera vanobuda vachiti vanoita huwori. Vanhu ava vanoti VaCleopas Chidodo mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwenhandare yeRG Mugabe mubazi reCivil Aviation Authority of Zimbabwe, VaDavid Chorozvi vanoshanda neRBZ Aurex Jewellery uye mukuru weFidelity Printers VaFredrick Kunaka.

Asi nyanzvi munyaya dzehuwori VaReuben Mbofana vanoti hurumende iri kungotaura pasina chinobattika chinobuda .

Vachitaurawo nezvekubiwa kwegoridhe, mukuru wesangano rinorwira nekodzero dzevanhu vari mune zvicherwa reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vati havasi kushamisika nezviri zviri kufumurwa neAl Jazeera izvi.

Vanamuzvinabhizimisi vari kubuda vachizviti ndivo vakabata hupfumi hweZimbabwe kuburikidza nezvicherwa nedzimwe mari dzakasviba vanosanganisira VaEwan Macmillan, VaKamlesh Pattni vanonzi vakapotsa vapa kuti hupfumi hweKenya hugwadame nehuwori. VaPattni vanonzi vanoshanda nevatungamiri vemuAfrica vanoita zvehuwori. Asi ivo vanoti hapana humbowo hwekuvaroverera.

Vamwe varikunzi vari kumora huchi hwenyika vanosanganisira VaSimon Rudland vari kuSouth Africa vanonzi vanotengesa midzanga yefodya yeGold Leaf tobacco kuti vawane mari yekutenga goridhe muZimbabwe kuburikidza nehuwori hwevakuru vehurumende nebhanga reRBZ.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinonzi zviri kubatsira zvinosanganisira vanozviti muporofita VaUebert Angel uye hama yemutungamiri wenyika Muzvare Henrietta Rushwaya.

Mumwe anoshanda naVaAngel ari hama yavo zvakare Rikki Doolan ari kubuda achiti anokwanisa kuchenesa mari yakasviba inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora uye vaviri ava vanoti kuona VaMnangagwa vanoti

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development of Zimbabwe Dr Prosper Chitambara inofanira kuferefeta nyaya iyi nekuti inogona kuguma yoomeserwa nevekunze.

Al Jazeera yasarirwa nekuburitsa chikamu chechina nechekupedzisira svondo rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG