Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoshorwa Nekusatora Matanho Pakuendeswa KweVanhu muHunhapwa Youmba Hwaro Hwekupedza Dambudziko Iri


2022 State Dept Human Trafficking report
2022 State Dept Human Trafficking report

Hurumende nhasi yaparura hurongwa hwekurwisana nedambudziko rekumbunyikidzwa kwevanhu vachizoguma vobatwa senhapwa kana kumanikidzwa kuita zvepabonde kana kuti Anti-Trafficking in Persons National Plan of Action hunotanga gore rino kusvika 2028.

Vachiparurwa hwaro uhu kuHarare International Conference Centre nhasi, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino vati gore rapera chete, vanhu zana nemakumi matatu nemumwe kana kuti 131 kunyanya madzimai vakambunyikidzwa vachiguma vazonobatwa senhapwa.

Chirongwa chehurumende ichi chichaona mapazi ehurumende akasiyana siyana achiisa misoro pamwechete kuona kuti vari kunyepera vanhu kuti kunze kwenyika kune mabasa varangwa zvakaomarara.

VaChiwenga vati idonzvo rehurumende kutora matanho akasimba kudzivirira dambudziko iri kuburikidza nekusimudzira hupfumi kuti vanhu vasaite chidokwadokwa chekubuda munyika zvavati zviri kuvashungurudza.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vataurawo pachiitiko chanhasi vachiti vanhu vanodarika zana munyika vari kumatare edzimhosva vachipomerwa mhosva dzekumbunyikidza vanhu vachizonoguma vobatwa senhapwa mushure mekuvanyepera kuti kunze kune mafuro manyoro. VaKazembe vatiwo zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti kumbunyikidzwa kwevanhu uku kuri kuitikawo munyika.

Mumwe mudzimai apa huchapupu hwake achibudisa inzwi pachirongwa chanhasi ada kuzivikanwa nekungonzi Chipo ayambira veruzhinji kuti vasatorwe moyo nemari dzinotaurwa kunyanya kune avo vanonoshanda mudzimba achiti kunyangwe aive avimbiswa mari yakawanda handizvo zvaakanosangana nazvo paakaenda kuOman.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vati kana pasina kugadziriswa dambudziko rezvehufumi zvinonetsa kugadzirisa dambudziko iri.

Vanorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana uye vachitungamirira sangano rakazvimiririra reWomens Coalition of Zimbabwe Amai Sally Dura vatsigirawo vachiti…

Bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica reState Department mugwaro rarakaita gore rapera rinonzi, 2022 Trafficking in Person Report rinoti Zimbabwe kwemakore maviri akatevedzena iri muchikamu chechipiri chenyika dzisina mitemo yakasimba yekuyedza kugadzirisa dambudziko rekuendeswa kwevanhu muhunhapwa iri kana kuti Tier 2 Watch List.

Hurumende yainzi haina mitemo yekusunga makoronyera yakasimba, kana inobatsira kuona vanenge vachiendeswa muhunhapwa nekuvatsvagira kwekupotera. Panonzi pange pasina kana mumwe chete ainge abatwa nemhosva nematare kunyangwe nyaya idzi dzichienda kumatare.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurombo munyika ndihwo huri kupa kuti madzimai kunyanya agume anyeperwa kuti kune mabasa kunyanya kuMiddle East kwavanonzi vanenge vachipihwa mari inosvika mazana masere ekuAmerica kana kuti US$800 asi vachiguma vakandwa mukanwa mamupere vachishandiswa senhapwa uye kubatwa chibharo nedzimwe nguva.

Kunze kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuendeswa muhunhapwa kunze kwenyika, nhandare yeRobert Mugabe inonzi iri kushandiswa nemageven’a kuendesa zvizvarwa zveEthiopia nePakistan kuSouth Africa zvinenge zvanyeberwa kuti kune mabasa.

Nyanzvi munyaya dzekuendeswa kwevanhu muhunhapwa dzinoti huwori panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport huri kupa kuti vanoendesa vanhu muhunhapwa vaite havo madiro aJojina.

Mukuru wezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika VaRespect Gono vakaudza bepanhau reNewsDay kuti havana michina yechizvinozvino inokwanisa kuti vasunge makoronyera aya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG