Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mahere Vanzi Vabhadhare Mazana Mashanu eMadhora (US$500) NeDare


Advocate Fadzayi Mahere - CCC
Advocate Fadzayi Mahere - CCC

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vabatwa nemhosva yekuzvidza mapurisa mushure mekubuditsa kwavakaita vhidhiyo yemwana ane makore maviri avaiti akange arohwa nemapurisa akafa zvikazoonekwa hazvo kuti mwana uyu aive mupenyu.

Asi Muzvare Mahere vawanikwa vasina mhosva panyaya yekunzi vakaburitsa mashoko emanyepo ine chekuita nenyaya imwecheteyo. Muzvare Mahere vanzi vabhadhare madhora mazana mashanu kana kuti US$500 kana vakakundikana voenda kujeri kwemwedzi mitatu.

Vachitura mutongo wavo, mutongi wedare ramejasitiriti, VaTaurai Manwere, vawana Muzvare Mahere vaine mhosva yekuzvidza mapurisa mushure mekubuditsa vhidhiyo iyi asi vawana Muzvare Mahere vasina mhosva panyaya yekunzi vakaburitsa mashoko emanyepo vachiti hurumende yakatadza kuburitsa pachena kuti pakanga pasina kuita mhirizhonga here pakati pemapurisa nevemakombi pakazorohwa mwana uyu aina amai vake.

VaManwere vati nekuda kwekuti mwana uyu mupenyu zvakabuditswa naMuzvare Mahere zvakasvibisa zita remapurisa.

VaManwere vati Muzvare Mahere vaifanira kutanga vataura nemapurisa kana kutora mamwe matanho ekuona kuti mwana uyu akanga afa zvechokwadi here vasati vabuditsa vhidhiyo iyi nekushora mapurisa kwavakazoita zvavati zvakakonzera kuzvidzwa kwemapurisa.

VaManwere vati Muzvare Mahere vabhadhare mazana mashanu emadhora ekuAmerica kana mari yakaringana naiyoyi ari maRTGS. Vati vakatadza kubhadhara mari iyi vachazogara mujeri kwemwedzi mitatu.

Rimwe remagweta aMuzvare Mahere, VaChris Mhike, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri webato reCCC, VaGift Ostallos Siziba, vashora kubatwa kwaitwa Muzvare Mahere nemhosva vachiti zvinoratidza ruoko rweZanu PF mumafambisirwo anoitwa nyaya mumatare.

VaSiziba vati izvi zvinosvibisa zita renyika pamberi pesarudzo dzegore rino.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati zviri kutaurwa neCCC izvi ndezvemugotsi matsuro vachiti matare emunyika anoshanda akazvimirira.

Muzvare Mahere vanonzi vakatenderadzawo vhidhiyo padandemutande ravo reTwitter yekurohwa kunonzi kwakaitwa mumwe mwana aive nemakore maviri nemapurisa akafa muna Ndira 2021.

Asi mapurisa akazoburitsa mashoko ekuti mwana uyu akanga asina kufa uye pakutongwa kwenyaya iyi, amai vemwana uyu, Amai Rebecca Musariri, vakachema mudare pavaipa humbowo hwekurohwa kwakaitwa mwana wavo nemapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG