Accessibility links

Breaking News

VaDonald Trump Voramba Mhosva Makumi Matatu Neina (34) Dzavari Kupomerwa


Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vamiswa pamberi pedare muNew York nhasi vachipomerwa mhosva dzinosvika makumi matatu neina. Asi vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa idzi. Ndivo vapinda munhoroondo semutungamiri wenyika kana akambova mutungamiri wenyika kumiswa pamberi pedare.

Gwaro rekurovererera VaTrump rine mapeji gumi nematanhatu dzinosanganisira kutaura manyepo nezvemakambani avo nechinangwa chekuda kuita huwori munyaya yekushandiswa kwemari yekutsvaga rutsigiro musarudzo.

Mhosva idzi dzinosanganisirawo kubhadhara mamwe madzimai mari dzevharamuromo nemari dzavaifanira kushandisa kutsvaga rutsigiro musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2016. VaTrump vanonzi vakabhadharawo rimwe bepanhau kuti risaburitse nyaya iyi. Mhosva dzose dziri kupomerwa VaTrump dzine chirango chemakore mana mujeri.

Vanhu vakawanda vanga vakaungana panze pedare remuManhattan nhasi vamwe vachivatsigira vamwe vachivashora.

VaTrumph vakabva kumba kwavo kuFlorida nezuro vakarara kumba yavo yekuNew York yeTrump Towers muNew York.

Nyanzvi munyaya dzezve matongorwe enyika uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanoti zviri kuitika izvi muAmerica zvinoratidza kuti nyika iyi ine hutongi hwejekerere.

"Zimbabwe inokwanisa kudzidza zvizhinji kubva zvatiri kuoona zvichiitika muAmerica sekukosha kwakaita matare nehutongi hwejekerere'"VaMasiye vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG