Accessibility links

Breaking News

CCC Yoita Sarudzo Mangwana, Zanu-PF Ichipepeta Vakakunda


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Bato guru rinopikisa munyika, reCitizens Coalition for Change (CCC) richatanga chirongwa chekusarudza vacharimirira musarudzo dzichaitwa gore rino mangwana muchirongwa chichange chitungamirirwa nekomiti yakazvimirira iyo iri kutungamirirwa nemukuru wesangano reHeal Zimbabwe Trust, VaRashid Mahiya.

Mutungamiri webato reCitizens Coalition VaNelson Chamisa vaudza Studio 7 kuti vagadzirira sarudzo idzi zvakasimba.

Vachitaura nevatori venhau nhasi, vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo VaIan Makone uye vakafanobatawo chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato iri VaOstallos Siziba vati komiti inonzi Citizens Independent Candidates Selection Panel ndiyo ichatungamira hurongwa uhu.

Kunze kwaVaMahiyam vamwe vari mukomiti iyi vanosanganisira vamwe kubva kumasangano akazvimirira oga, evashandi nevedzisvondo vanosanganisira , VaEdson Dube veUnited Mutare Residents Association, Muzvare Stabile Dewa ve veWomens Academy for Leadership and Political Tolerance uye VaJaphet Moyo veZimbabwe Congress of Trade Union nevamwe.

VaMakone vanoti komiti iyi yatotanga basa nhasi nekuona kuti zvinhu zvese zvavepo kuti vanhu vakwanisa kudoma vavanoda.

Vatiwo mapurisa akatoziviswa nezvichirongwa che mangwana ichi uye vanotarisira kuti vanhu vachapihwa mukana wekusarudza vatungamiriri vavanoda.

VaSiziba vati vanenge vadomwa mangwana vachaongororwa kuti vanokodzera here kumirira bato pachitariswa mitemo yenyika nezvinotarisirwa nebato.

Zvichakadai bato reZanu PF riri mushishi kuongorora zvakabuda musarudzo dzaro dzemaPrimary dzakaitwa masvondo maviri apfuura uye kusvika nezuro vange vaongororo matunhu matanhatu.

Mutauriri webato iri, VaChris Mutsvangwa vati havana kufara nemhirizhonga yakaitika kuMbare nekuChuru nekudaro sarudzo dzichatwa zvekare kunzvimbo mbiri idzi.

Pane vamwewo vakakunda musarudzo dzemaprimary vakaita saVaDambudzo Robert kuChipinge South vakarambidzwa kumirira bato vachinzi vanoita zvokubika mutoriri nekudaro VaEnock Porusingazi ndivo vachamirira bato. KoMakoni West, Moses Ruona avo vakakunda VaJenfan Muswere varambidzwa kumirira vachinzi vakabira sarudzo uyewo havanatsi kuzikwanwa pavamire mubato.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachiongorora nyaya dzezvematongerwro enyika VaBekezele Gumbo vaudza Studio 7 kuti veZanu-PF neCCC vari kuratidza kui varikusarudza vanhu nezvinangwa zvakasiyana. Vati vanoona sekuti kusarudzwa kwevanhu muzanu-PF kunoenderana nezvinodiwa nevakuru vebato zvichisiyana nezvekuCCC zvavati zvinoita sekuti vanhu vanosarudza vavanoda.

Kutaura kudai Politiburo yeZanu PF iri mushishi rekuongorora zvakabuda mumatunhu mana asara uye inotarisiriwa kuzivisa zvinenge zvabuda nhasi manheru.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakazivisa mubepanhau reSunday Mail kuti sarudzo dzinogona kuitwa kubva musi wa 26 Chikunguru kusvika 26 Nyamavhuvhu. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vanotara zuva resarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG