Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti Zimbabwe inogona kutemerwa zvirango zvakasimba kana ikasaferefeta nekugadzirisa nyaya yekucheneswa kwemari dzakasviba iri kunzi iri kuitika mutsvakiridzo yakaitwa nenhepfenyuro yekuQatar yeAl Jazeera.
Mumwe anozviti mufundisi Rikki Doolan anoita zvemabhizimisi naVaUebert Angel anoti vanozivisa mutungamiri wenyika nezvose zvavanenge vachiita muckuchenesa mari dzakasviba idzi.
VaAngel vakasarudzwa kuva mumiriri nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mangagwa. VaDoolan vaitaura izvoi kuvatori venhau veAl Jazeera vainyepera kunge vaive vanamuzvinabhizimisi vekuChina vaiti vane mari inosvika mamiriyoni zana kana kuti US$100 million yakasviba yaida kucheneswa muZimbabwe.
Asi mushure mekunge dhende iri rabuda pachena, VaDoolan naVaAngel vave kuramba kuti vari kuita huwori vachiti vaida kungoona kuti chaive chokwadi here kuti vanhu ava vaive nemari yavaitaura. Asi pane sangano rinogona kuomesera Zimbabwe riri kuParis rinonzi Financial Action Task Force kana kuti FATF rinoongorora nyaya yekufambiswa kwemari dzakazviba dzinogona kuguma dzave mumaoko ematororo. Sangano iri rakatoisa Nigeria neSouth Africa muchikamu chekuongororwa zvakasimba kana kuti “grey list”.
Dzimwe dziri muchikamu ichi iUnited Arab Emirates, Albania neYemen. Nyika dzine mabhanga akatobhanwa kudyidzana nedzimwe nyika nenyaya dzekufambisa mari dzakasviba dzinoti Iran, North Korea neMyanmar. Zimbabwe yainge iri mu ‘’grey list” umu ikabviswa gore rapera dare remakurukota rikapemberera sezvo zvainge zvoreva kudyidzana zviri nyore nedzimwe nyika pasina kutyira kuti mari dziri kubva muZimbabwe dzakasviba.
Asi nezvafushunurwa neAl Jazeera zviri nyanzvi munyaya dzemari nemitemo dzinoti zviri pachena kuti Zimbabwe inenge yazvikanda mukanwa mamupere.
VaMnangagwa vamiririra kusaina mutemo wekuomesera zvakanyanya masangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organization Bill vachiti uchashanda kuti asashandiswe kufambisa mari dzakazviba kana kuti money laundering. Mutemo uyu wakanyorwa tsvakiridzo yeAl Jazeera isati yabuda.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Godfrey Kanyenze vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vayambira kuti hurumende ikasagadzirisa nyaya dzehuwori nekusagadziriswa nyaya dzekufambiswa kwemari zvakanaka inogona kutemerwa zvirango zvichakanganisa hupfumi.
Facebook Forum