Accessibility links

Breaking News

Mabhanga emuSouth Africa Ari Kutaurwa muVhidhiyo reAl Jazeera Riri Kufumura Huwori muKutengeswa kweGoridhe muZimbabwe Oferefeta Nyaya Iyi


Goridhe rinokosha mamiriyoni emadhora rinonzi riri kuburitswa munyika richiendeswa kuDubai.
Goridhe rinokosha mamiriyoni emadhora rinonzi riri kuburitswa munyika richiendeswa kuDubai.

Nhepfenyuro ye SABC inoti mabhanga matatu emuSouth Africa ari kutaurwa muvhidhiyo ye Al Jazeera iri kuburitsa huwori mukutengeswa kwegoridhe pamwe nekucheneswa kwemari yehuwori muZimbabwe ave kuferefeta nyaya idzi.

Mabhanga matatu aya, ayo anoti ABSA, Sasfin neStandard Bank, ari kutaurwa muvhidhiyo repiri rakaburitswa neAl Jazeera svondo rino rinonzi “Smokes and Mirrors”, kuti ndiwo aishandiswa nevanoita zvehuwori vekunze kwenyika mukuchenesa mari dzavo ivo vachizobhadharawo chiokomuhomwe kuvashandi vemabhanga aya.

Bhanga reABSA rinonzi rakati rakanga rasvitsa zvakawanikwa neAl Jazeera izvi kuboka raro rinoferefeta nyaya dzakadai.

Standard Bank inonzi yakaudzawo Al Jazeera kuti haibvumidze nyaya dzakaidai, uye ichabatsira nenzira dzose mukuferefetwa kwenyaya iyi.

MuZimbabwe, bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, rakazivisawo kuti boka raro reFinancial Intelligence Unit rave kuferefeta VaUebert Angel pamwe naVaEwan MacMillan, vamwe vevari kufumurwa muvhidhiyo reAl Jazeera iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG