Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanopomerwa zviri pamutemo Mhosva yeKubhadhara Vharamuromo kuMudzimai Anoita zvePabonde


Va Donald Trump
Va Donald Trump

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, vakapomerwa zviri pamutemo mhosva yekushandisa mari yekutsvaga rutsigiro kubhadhara mumwe mudzimai aiita zvepabonde kana kuti "porn star", amai Stormy Daniels, sevhara muromo.

Sangano renhau reAssociated Press rakati neChishanu VaTrump, avo vakapomerwa mhosva iyi nedare reManhattan remuNew York, vari kutarisirwa kuzvipira kumatare nemusi weChipiri.

Asi VaTrump vari kupomera hurumende yaVaJoe Biden mhosva yekuvasvibisa senzira yekuvavhiringidza kuti vasa kwanise kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika dziri kutarisirwa kuitwa munyika.

VaKennedy Masiye
VaKennedy Masiye

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu Advocate Kennedy Masiye vanoti zviri kuitika izvi zvakakosha sezvo zvichiratidza vamwe vatungamiri vedzimwe nyika kuti mhosva haiwori uye hapana ari kunze kwemitemo munyika dzine hutongi hwejechetere.

"Nyika yeZimbabwe ichiri kure pane zvatiri kuwona zviri kuitika muno muAmerica kuti vaimbove mutungamiri wenyika vano batwa nemhosva vototarisirwa kumiswa pamberi pedare. Izvi zvinoratidza kuti nyika yeAmerica ine hutongi hwejecherere," Advocate Masiye vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG