Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, riri kukurudzira kuti paumbwe komiti yevanhu vekunze kwenyika inenge yakazvimirira inofanirwa kuferefeta vari kupomerwa zvehuwori mumavhidiyo ehuwori hwegoridhe ari kuburitswa nenhepfenyuro yeAl Jazeera.
Mugwaro raraburitsa, bato iri rinoti zvinosuwisa kuti mapoka ehurumende ane masimba ekuferefeta nyaya dzakadai akaita semapurisa pamwe neZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, ari kusarudza kupeta maoko achirega kutora matanho sezvinotarisirwa.
Izvi zviri kuuya panguva iyo pane mashoko anopesana panyaya yakaburitswa neAl Jazeera nemusi weChina nhepfenyuro ichitaura nevaimbove chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, VaEddie Cross, yekuti mumwe wevari mumavhidhiyo aya, VaUebert Angel, vakabviswa pachigaro chavo chekuve mumiriri weZimbabwe asina nyika yaakamirira.
Asi mashoko aya arambwa padandemutande reTwitter na @Tinoedzazvimwe1, uyo anofungidzirwa kuti mutauriri wemutungamiri wenyika VaEmmerson mnangagwa, vageorge charamba, avo vati va angel vachiri pabasa ravo.
Ukuwo, vamwe vari kutevera nyaya iyi vanoti vari kuona kuti masangano enhau nenhepfenyuro zviri pasi pehurumende zvasarudza kuramba zvakavhara miromo panyaya yehuwori iyi.
Mukuru wezvirongwa musangano reMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vanoti vanotenderana nevari kutaura kuti mapka ehurumende akadai seHerald neZ-B-C havasati vaburitsa nyaya iyi.
VaNyamutumbu vanoti panogona kuita zvikonzero zvakasiyana siyana pamusoro pekuti sei vasiri kubata nyaya iyi, zvakaita sekutyisidzirwa, kana kuti zvimwe vachiri kuitawo tsvakiridzo dzavo panyaya iyi.
Asi vanoti pasi pebumbiro remitemo yenyika inoona nezvekufambiswa kwemashoko, mapoka aya angadai achishamba nyaya iyi kumhuri yeZimbabwe kuti izvivewo zviri kuitika.
Facebook Forum