Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Akagadzirira Kuchengetedza Runyararo Pamberi peSarudzo dzeGore Rino uye Aumba Komiti Yakanangana neMhirizhonga


Mutauriri wemapurisa, Assistant Commisioner Paul Nyathi
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commisioner Paul Nyathi

Mapurisa anoti agadzirira zvakakwana kuchegetedza runyararo pamberi pesarudzo dzegore rino achiti aumba komiti ichaferefeta nyaya dzemhirizhonga pamberi pesarudzo idzi.

Mapurisa anotiwo achabvumidza mapato ose ezvematongerwo kuita misangano yawo panguva iyo bato reCitizens Coalition for Change riri kugunun’una kuti riri kurambidzwa kuita misangano nevatsigiri varo munzvimbo dzakakwanda munyika.

Vachitaura pamusangano warongwa nesangano revatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists, wekuongorora kuti gadziriro yesarudzo yave papi, mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati mapurisa ave pachidanho chepamusorosoro kugadzirira sarudzo idzi vachiti vatoumba komiti ichaferefeta nyaya dzose dzemhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika pamberi pesarudzo idzi.

VaNyathi vati mapurisa achasunga munhu wese achawanikwa achiita zvemhirizhonga pasingatariswe kuti munhu abuda mumba maani.

VaNyathi vatiwo vachabvumidza mapato ose ezvematogerwo enyika kuita misangano yawo akasununguka asi vemapato aya vanofanira kushanda pamwechete nemapurisa kuona kuti misangano yavo haizove nemhirizhonga here.

Mashoko aVaNyathi aya anouyawo apo mapurisa ari kupomerwa mhosva nebato reCitizens Coalition for Change yekurambidza misangano yebato iri nevatsigiri varo pamberi pesarudzo.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere
Vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vati bumbiro remitemo rinotendera mapato ose kuita misangano yawo, saka haisi nyaya yekuti mapurisa anoti anotendera kana kurambidza.

Mapurisa pamutemo vanofanirwa kungoona kuti hapana mhirizhonga yezvematongerwo enyika kana kunetsana.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati mapurisa anokwanisa kuita sezvaari kutaura kana akashanda asina divi raakarerekera.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, pamwe nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato iri VaTafadzwa Mugwadi, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Hatina kukwanisawo kubata murongi wemisangano mubato iri, VaMike Bimha.

Asi VaMugwadi vakaudza Studio 7 nguva pfupi yadarika kuti bato ravo hari pindire mumashandiro anoita mapazi ehurumende kusangansisira matare nemapurisa. Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakatiwo munhu anomira nemhosva dzake pasingatariswe kuti abuda mumba maani.

VaNyathi vatiwo semapurisa vari kusunga vanhu kubva kumapato ose vanenge vachiita zvemhirizhonga vakapa semuenzaniso kusunga kwavakaita nhengo dzeZanu PF kuMurehwa North idzo dzinonzi dzakazvindikita vanasorojena vanotsigira bato reCCC mushure memifananidzo yakatenderera pamadandemutande eindaineti.

VaSolomon Bobosibunu veERC
VaSolomon Bobosibunu veERC

Vachitaurawo pamusangano uyu, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vakurudzirawo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuti iwedzere nguva nenzvimbo dzekunyoresera kuvhota kuti vanhu vakawanda vakwanise kuvhota musarudzo dzegore rino.

VaBobosibunu vati vanhu vakawanda havasati vakwanisa kunyoresa kuvhota pachirongwa changa chichitwa neZEC chekuenda munzvimbo dzinogara vanhu ichonyoresa vanhu sevavhoti sezvo nguva yanga ichotorwa neZEC munzvimbo idzi yanga iri shomanana uye vamwe vanhu vakatadza kusvika kunzvimbo dzanga dzichinyoreserwa idzi nekuda kwekuti pane mifambo yakakura kwazvo nekwavanogara.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reveZEC avo vasina kuuya kumusangano uyu nyangwe hazvo vanga vakakokwa. Sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba pamwe nemutauriri wekomisheni iyi, VaRodney Kiwa, vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba
Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba

Vamwe vashandi vekuhofisi kwavo vanga vachiti vanga vari mumusangano kuKadoma une chekuita nezvegadziriro yesarudzo.

Sarudzo dzakatarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu wegore rino uye zuva richaitwa sarudzo rinoziviswa nemutungamiri wenyika mwedzi mitatu sarudzo idzi dzisati dzaitwa.

Kana zuva resarudzo ratarwa, veruzhinji vane mazuva maviri chete ekuti vakwanise kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG