Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vachakwikwidzawo Musarudzo dzeBato Ravo Musi wa 5 Kubvumbi


Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) rinoti rava kuzotanga chirongwa chekutsvaka vacharimiririra musarudzo dzegore rino musi wa 5 Kubvumbi mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vachiti vachakwikwidzawo kuti vasarudzwe nevanhu.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nezuro muHarare vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo muCCC, VaIan Makone vati varikutarisira kuti mumavhiki maviri vanenge vapedza kutsvaka vachamirira bato iri.

Vawedzerawo vachiti mazita achadomwa achagamuchirwa neIndependent Candidate Selection Panel iyo vati bato iri richange richidoma munguva shoma inotevera.

VaMakone vatiwo pachabuda vanhu vanodarika mumwechete, bato iri richagara pasi vanhu votaurirana nekuongorora kuti anokodzera ndiani asi vachiti pachazenge pane komiti yakazvimiririra ichatambira zvichemo.

Vachitaurawo pamusangano mumwechete, vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato iri VaGift Ostallos Siziba vati nharaunda dzichadoma vachamiririra bato iri kusanganisira mutungamiriri webato.

Vawedzerawo vachiti bato ravo richanyatsoongorora kuona kuti vanhu vane chimiro chakanakamunharaunda uye vanodiwa neruzhinji ndivo vachamirira bato musarudzo dzegore rino. Varamba kuti pane vachagadzwa zvechisimba vachiti vanhu vese vachabva kuvanhu.

Bato reCCC ratiwo ririkuramba richishushukana zvikuru nekuramba kwemumiriri weZengeza West muparamende, vaJob Sikhala vari mujeri kuChikurubi vachipomerwa mhosva yekuda kukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga. Asi vari kuramba mhosva iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika muzvinafundo Bhekezela Gumbo vaudza Studio 7 kuti nzira yatorwa neCCC inzira ichaona vemunharaunda vachitungamirirwa nevanhu vavanoda.

Asi kusarudza vatungamiriri nenzira irikuitwa neCCC iyi kwashoropodzwa zvakanyanya nenhengo yebato reZanu PF vaTaurai Kandishaya avo vachange vachizomiririra bato reZanu Pf kuEpworth North. Sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG