Accessibility links

Breaking News

Breaking...VaTrump Vabatwa neMhosva Yekubhadhara Vharamuromo Mushure Mekuita Zvepabonde


Trump Indictment
Trump Indictment

Vemapepanhau nenhepfenyuro dzemuAmerica vari kuburitsa mashoko ekuti vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vabatwa vaine mhosva panyaya yavange vachipomerwa yekushandisa mari yekutsvaga rutsigiro kubhadhara mumwe mudzimai aiita zvepabonde kana kuti "porn star", Amai Stormy Daniels.

Vaburitsa mashoko aya vanosanganisira nhpefunyuro dzeCNN, Fox News, CNBC nemapepanhau akaita seThe Washington Post, The New York Times nemamwe. Asi dare rekuManhattan muNew York range risati razivisa zviri pamutemo nezvemutongo uyu.

VaTrump vanonzi vakaita zvepabonde naStormy Daniels vakazoshandisa magweta avo kubhadhara mari apo vainge voda kupinda musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2016 idzo vakakunda Amai Hillary Clinton.

VaTrump vange vachiramba mhosva iyi vachiti yakanangana nekuda kuvadzivisa kukwikwidza mutungamiri wenyika VaJoe Biden vebato remaDemocrats.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG