Accessibility links

Breaking News

United Nations-Zimbabwe Inoti Sarudzo Dzichaitwa muNyika Gore Rino Dzichange Dzakakosha Zvikuru kuMapoka eMitemo Akaita seMatare


Dare reHarare Magistrate Court
Dare reHarare Magistrate Court

Sangano reUnited Nations richimirirwa nemumiriri waro muZimbabwe, VaEdward Kallon, rati sarudzo dziri kutarisirwa munyika gore rino dzichange dzakakosha zvikuru kumapoka anoona nezvekuchengetedzwa kwemitemo muZimbabwe kusanganisira matare edzimhosva.

Izvi zvinotevera musangano wevatongi vematare epasi, kana kuti National Magistrates Conference watanga kuVictoria Falls.

Richinyora padandemutande reTwitter, sangano iri rati matare edzimhosva ane basa guru rekuita mukuchengetedza chimiro chekuitwa kwesarudzo dzinoenderana nemitemo yepasi rose, kuona kuti kodzero dzevanhu dziri kuremekedzwa, uye kuti hapana ari pamusoro pemutemo.

Vachitaurawo kumusangano uyu, vakafanobata chigaro chemukuru wevatongi vematare amejasitiriti, Amai Faith Mushure, vati musangano uyu unopa mukana wekuti vatongi vazvitarise, uye kuzadzisa gasva mukushanda kwematare.

Vakafanobatawo chigaro chemuchuchisi mukuru wehurumende, VaNelson Mutsonziwa vati huwori muvashandi vemumatare hahusi kuzofa hwakatambirwa, vachiti hunotadzisa kuzadziswa kwechirongwa cheVision 2023.

Mukuru wemapurisa Commissioner-General Godwin Matanga vatiwo kunonoka kunzwikwa kwenyaya kumatare pamwe nekupiwa kwemukana wekubvisa mari yechibatiso kuvanhu vasingakodzeri kunokanganisa chivimbo chinenge chiine vanhu mumatare.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vakamboshanda semutongi wematare, VaWilbert Mandinde vanoti mashoko eUnited Nations aya akakosha zvikuru sezvo achikurudzira kuti nyika iite sarudzo dzakachena.

Musangano wemazuva matatu uyu uri kupindwawo nemamwe mapoka ane chekuita nezvemutemo vanosanganisira sachigaro veZimbabwe Anti-Corruption Commission, Justice Loice Matanda Moyo, uye unopera musi wa 01 Kubvumbi.

Sarudzo dzemunyika dzagara dzinoita mutauro unozoguma wapedzerwa kumatare edzimhosva, vemapato anopikisa vachinyunyuta nemafambisirwo anenge aitwa sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG