Accessibility links

Breaking News

VaGeorge Charamba Vanonzi Votyisidzira Vatori veNhau Vari Kunyora Nezviri Kubuda PaAl Jazeera Zvobatabata VaMnangagwa neMhuri Yavo


Tabani Moyo, Mukuru we sangano re Media Institute of Southern Africa in Zimbabwe.
Tabani Moyo, Mukuru we sangano re Media Institute of Southern Africa in Zimbabwe.

Al Jazeera Investigations Unit iri kuongorora huwori hunonzi huri kuitwa mukutengeswa kwegoridhe muZimbabwe nhasi yaburitsa padandemutande reTwitter vanozviti munzvinabhizimisi VaEwan Macmillan vari mumambure enyaya iyi vachiti vane nhoroondo yekushanda nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. Izvi zvinonzi zvichabuda padandemutande re Podcast kwete paterevhzheni mangwana.

Mashoko aya ari kuuya panguva iyo mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba vanonzi vanyora mashoko ekutyisidzira vatori venhau vari kunyora nezvenyaya idzi padandemutande ravo reTwitter ravanonzi vanoshandisa zita remadunhirirwa rekuti @Tinoyedza Zvimwe, VaCharamba vati vatori venhau vari kunyora nyaya yavati haina humbowo hwakakwana vanogona kusungwa nekukandwa mujeri.

Nhepfenyuro yeAl Jazeera inoti yakaferefeta huwori uhu muchivande zvikabuda pachena kuti vamwe vakuru muhurumende kusanganisirawo mhuri yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vakuru vemachechi nevemabhizimisi asina kunyatsojeka vari kumora hupfumi hwenyika asi vachinyepera kuti Zimbabwe iri pasi pezvirango. Studio 7 yayedza kubata VaCharambe nemunyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemasho VaNick Mangwana asi vose vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mumwe mutori we nhau ane mukurumbira ati ave kutya kutaura nezvenyaya iyi ndiHopewell Chin’ono uyo anozivikanwa zvakanyanya nekushoropodza huwori muhurumende. Bepanhau re NEWSHAWKS nereZimlive anyorawo kuti zviri kuitwa ne hurumende zvekutyisidzira vatori venhau kutyora kodzero dzavo uye hazvitarisirwi munyika inoti inoremekedza kodzero dzevanhu.

Mukuru wesangano reThe Media Institute of Southern Africa- MISA ZIMBABWE, VaTabani Moyo vaudza Studio 7 kuti haisi mhosva kuti vatori ve nhau vataure avavari kuona uye vasinga tyityidzirwi kana kuvhundustirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG