Accessibility links

Breaking News

America Yopa Ghana Bhiriyoni Imwe Chete yeMadhora Yekusimudzira Mabasa eMadzimai


U.S. Vice President Kamala visits Cape Coast slave castle
U.S. Vice President Kamala visits Cape Coast slave castle

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica amai Kamala Harris nhasi vaparura hurongwa hwemari inosvika bhiriyoni imwe chete chekusimudzira madzimai mughana umo vange vari kushanya.

Mari ichabva kumakambani, msangano akazvimirira oga nehurumende yeAmerica uye ichabatsira mumabasa ane chekuita nehumhizha mukufambiswa kwemashoko nekudzidzisa madzimai mabasa akasiyana siyana.

Amai Harris vasimuka nhasi vakananga kuTanzania uye vachaendawo kuZambia. Kushanya kwa amai Harris kunouya panguva iyo nyika dzakadayi seChina neRussia dziri kusimbaradzawo hukama kwadzo nenyika dzemu Africa.

Amai Harris varikutarisirwa kusangana nevechidiki vemuTanzania apo vachazeya navo pamusoro pezvirongwa zvehumhizha nezvimwe.

Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi muzvinafundo Prosper Chitambara vanoti zvinofadza kuti America yawanikwa ichitura hurongwa hwekubatsira mabasa emadzimai nemari ino svika bhiriyoni imwe chete yemadhora. Vanoti izvi zvichabatsira kusimudzira mabasa ari kubatwa nemadzimai munyika yeGhana.

"Kushanya kwa amai Harris kuGhana neTanzinia neZambia kuchabatsira kusimbaradza hukama weAmerica nenyika dzemu Africa nyanya panyaya dzezve hupfumi sezvo kune dzimwe nyika dzakadayi seChina neRussia dziri kushanyirawo Africa dzichida kusimbaradza hukama," Muzvinafundo Chitambara vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG