Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoisa Parutivi Mari yeKugadzirira Kurwisana neChiwere cheCholera


Myanzvi dzezvehutano dzinoti dambudziko rekupararira kweCholera riri kukonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena.
Myanzvi dzezvehutano dzinoti dambudziko rekupararira kweCholera riri kukonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena.

Dare remakurukota reakazivisa neChipiri kuti hurumende yakapasisa bhajeti remari inoita US$24 168 353.00, iyo inonzi yakanangana negadziriro yekurwisana nechirwere cheCholera.

Hurumende inonzi iri kutora danho iri kuitira kana chirwere ichi chakazoda kupararira munyika chinokwanisa kumiswa paine nguva.

Vachitaura mushure memusangano wemakurukota muHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati kuvhenekwa kwechirwere ichi senzira yekudzivirira kupararira kweCholera kwakatangwa pamiganhu yose yekupinda nekubuda munyika.

Asi mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti dambudziko rechirwere ichi rave nenguva zvekuti hurumende yaifanirwa kunge yakagadzirira kare kare.

VaRusike vanoti mari iri kutaurwa nehurumende havaoni ichiita zvakawanda sezvo dambudziko rechirwere cheCholera riri kukonzerwa nenyaya dzetsvina yazara munzvimbo dzinogara veruzhinji dzakawanda.

Vanotiwo vazhinji vari kumanikidzwa kunwa mvura yakasviba zvichikonzerwa nekukanganiswa kwezvibhorani izvo zvinonzi zviri kupindwa nemvura ine tsvina yevanhu.

Rimwe sangano ravanachiremba rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Doctors for Human Rights(ZDHR), rinoti chirwere ichi chiri kukonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena mumaguta nekumaruwa, uye chiri kuwedzera nekushaikwa kwemishonga muzvipatara.

Asi mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri vakaudza Studio 7 kuti hurumende yakagadzirira zvakakwana, vakatiwo vari kusimbaradza nyaya yechenjedzo kuvanhu.

Kusvika svondo rapera, vanhu vakanga vabatawa nechirwere ichi munyika yose vakanga vadarika zana nemakumi manomwe nevatatu, kana kuti 173, uye huwandu uhwu hunotarisirwa kunge hwakwira pari nhasi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG